Jona 2
Jonah 2 · 10 verses
1Ipapo Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove.
2Akati, Ndakadana kuna Jehovha ndiri munhamo yangu, Akandipindura; Ndakadana ndiri mudumbu reSheori, Imi mukanzwa izwi rangu.
3Nokuti makandikandira makadzika, mukati momwoyo wegungwa, Mvura zhinji yakanga yandikomberedza; Mafungu enyu namapoporodzi enyu akapfuura napamusoro pangu.
4Ndikati, `Ndarashwa, hamuchandioni;' Asi ndicharingirazve kuTemberi yenyu tsvene.
5Mvura zhinji yakandikomberedza, kusvikira kumweya wangu; Pakadzika pakanga pandipoteredza; Maharanga akanga amonera musoro wangu.
6Ndakaburukira kumavambiso amakomo; Nyika nezvipfigiso zvayo zvakandipfigiramo nokusingaperi; kunyange zvakadaro makabudisa upenyu hwangu pagomba, imi, Jehovha Mwari wangu.
7Mweya wangu wakati uchiziya mukati mangu, ndikarangarira Jehovha; Munyengetero wangu ukapinda kwamuri muTemberi yenyu tsvene.
8Vanorangarira zvisina maturo zvenhema Vanorasha nyasha yavo.
9Asi ndichakubayirai nenzwi rokuvonga; Ndicharipa zvandapika. Ruponeso runobva kuna Jehovha.
10Jehovha akataura nehove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.