Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakaungana paShiro, ikadzikapo tende rokusangana; nyika yakanga yakundwa navo.And the whole congregation of the children of Israel assembled together at Shiloh, and set up the tabernacle of the congregation there. And the land was subdued before them.
Asi pakati pavana vaIsiraeri kwakanga kwasara marudzi manomwe akanga achigere kukamurirwa nhaka yawo.And there remained among the children of Israel seven tribes, which had not yet received their inheritance.
Zvino Joshua akati kuvana vaIsiraeri, Muchanonoka kusvikira rinhiko kupinda nokutora nyika, yamakapiwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu?And Joshua said unto the children of Israel, How long are ye slack to go to possess the land, which the LORD God of your fathers hath given you?
Zvitsaurirei varume vatatu kurudzi rumwe norumwe, ini ndivatume, vasimuke vafambe nenyika, vagorondedzera nhaka yavo; ipapo vauye kwandiri.Give out from among you three men for each tribe: and I will send them, and they shall rise, and go through the land, and describe it according to the inheritance of them; and they shall come again to me.
Vanofanira kuiganhura vachiita migove minomwe; vaJudha vanofanira kugara panyika yavo kurutivi rwezasi, uye veimba yaJosefa vanofanira kugara panyika yavo kurutivi rwokumusoro.And they shall divide it into seven parts: Judah shall abide in their coast on the south, and the house of Joseph shall abide in their coasts on the north.
Zvino munofanira kurondedzera nyika, muchiita migove minomwe, mugouya nerondedzero kwandiri, ndikukandirei mijenya pano pamberi paJehovha Mwari wedu.Ye shall therefore describe the land into seven parts, and bring the description hither to me, that I may cast lots for you here before the LORD our God.
Nokuti vaRevhi havano mugove pakati penyu; nokuti upirisiti hwaJehovha ndiyo nhaka yavo; zvino vaGadhi navaRubheni, nehafu yorudzi rwaManase vakapiwa nhaka yavo mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, yavakanga vapiwa naMozisi muranda waJehovha.But the Levites have no part among you; for the priesthood of the LORD is their inheritance: and Gad, and Reuben, and half the tribe of Manasseh, have received their inheritance beyond Jordan on the east, which Moses the servant of the LORD gave them.
Zvino varume avo vakasimuka, vakaenda, Joshua akaraira ivavo vakaenda kundorondedzera nyika, akati, Endai, mufambe nenyika, muirondedzere, mugodzokera kwandiri, ndikukandirei mijenya pano pamberi paJehovha paShiro.And the men arose, and went away: and Joshua charged them that went to describe the land, saying, Go and walk through the land, and describe it, and come again to me, that I may here cast lots for you before the LORD in Shiloh.
Varume vakaenda, vakafamba nenyika, vakarondedzera mubhuku nyika namaguta ayo, vachiita migove mina, vakasvika kuna Joshua pamisasa paShiro.And the men went and passed through the land, and described it by cities into seven parts in a book, and came again to Joshua to the host at Shiloh.
Zvino Joshua akavakandira mijenya paShiro pamberi paJehovha; ipapo Joshua akagovera vana vaIsiraeri nyika sezvavakanga vakamurirwa.And Joshua cast lots for them in Shiloh before the LORD: and there Joshua divided the land unto the children of Israel according to their divisions.
Rudzi rwavana vaBhenjamini vakagoverwa mugove wavo nemhuri dzavo; nyika yomugove wavo yakanga iri pakati pavana vaJudha navana vaJosefa.And the lot of the tribe of the children of Benjamin came up according to their families: and the coast of their lot came forth between the children of Judah and the children of Joseph.
Muganhu wavo kurutivi rwokumusoro wakabva paJorodhani; zvino muganhu ndokukwira kurutivi rweJeriko nechokumusoro, ndokukwira nenyika yamakomo kumavirazuva, ndokuguma murenje reBheti-avheni.And their border on the north side was from Jordan; and the border went up to the side of Jericho on the north side, and went up through the mountains westward; and the goings out thereof were at the wilderness of Beth-aven.
Muganhu ndokubvapo, ndokupfuura napaRuzi, kurutivi rwezasi rweRuzi (ndiro Bheteri); zvino muganhu ndokuburukira Ataroti-adhari, pedo negomo riri zasi kweBheti-horoni rezasi.And the border went over from thence toward Luz, to the side of Luz, which is Bethel, southward; and the border descended to Ataroth-adar, near the hill that lieth on the south side of the nether Beth-horon.
Muganhu ndokutarwa, uchibva pagomo riri pamberi peBheti-horoni zasi, ndokuguma paKiriati-bhaari (ndiro Kiriati-jearimi), guta ravana vaJudha; ndirwo rwaiva rutivi rwamavirazuva.And the border was drawn thence, and compassed the corner of the sea southward, from the hill that lieth before Beth- horon southward; and the goings out thereof were at Kirjath-baal, which is Kirjath- jearim, a city of the children of Judah: this was the west quarter.
Rutivi rwezasi rwakabva pamugumo weKiriatijearimi, muganhu ndokuramba uchienda kumavirazuva, ndokubudira kutsime remvura yeNefitoa;And the south quarter was from the end of Kirjath-jearim, and the border went out on the west, and went out to the well of waters of Nephtoah:
zvino muganhu ndokuburukira kumugumo wegomo riri pamberi pomupata womwanakomana waHinomi, mumupata weRefaimu kumusoro; ndokuburukira kumupata waHinomi, kurutivi rwavaJebhusi zasi, ndokuburukira Eni-rogeri;And the border came down to the end of the mountain that lieth before the valley of the son of Hinnom, and which is in the valley of the giants on the north, and descended to the valley of Hinnom, to the side of Jebusi on the south, and descended to En-rogel,
zvino ndokutarwa kurutivi rwokumusoro, kubva paEni-shemeshi kusvikira paGeriroti, rakatarisana nejinga reAdhumimi; ndokuburukira kubwe raBhohani, mwanakomana waRubheni;And was drawn from the north, and went forth to En-shemesh, and went forth toward Geliloth, which is over against the going up of Adummim, and descended to the stone of Bohan the son of Reuben,
zvino ndokupfuurira kurutivi rwakatarisana neArabha, kumusoro, ndokuburukira kuArabha;And passed along toward the side over against Arabah northward, and went down unto Arabah:
muganhu ndokupfuura nokurutivi rweBheti-hogira kumusoro, ndokuguma kumusoro apo pakapinda nyika muGungwa roMunyu, kumugumo wezasi waJorodhani; ndiwo waiva muganhu wezasi.And the border passed along to the side of Beth-hoglah northward: and the outgoings of the border were at the north bay of the salt sea at the south end of Jordan: this was the south coast.
Jorodhani ndirwo rwakanga ruri muganhu wayo kumabvazuva. Ndiyo yakanga iri nhaka yavana vaBhenjamini, nemiganhu yayo kunhivi dzose, nemhuri dzavo.And Jordan was the border of it on the east side. This was the inheritance of the children of Benjamin, by the coasts thereof round about, according to their families.
Maguta orudzi rwavana vaBhenjamini, nemhuri dzavo, akanga ari Jeriko, neBheti-hogira, neEmeki-kezizi,Now the cities of the tribe of the children of Benjamin according to their families were Jericho, and Beth-hoglah, and the valley of Keziz,
neBheti-arabha, neZemaraimi, neBheteri,And Beth-arabah, and Zemaraim, and Bethel,
neAvhimu, nePara, neOfura,And Avim, and Parah, and Ophrah,
neKefari-amoni, neOfini, neGebha; maguta ane gumi namaviri nemisha yawo;And Chephar-haammonai, and Ophni, and Gaba; twelve cities with their villages:
neGibhiyoni, neRama, neBheroti,Gibeon, and Ramah, and Beeroth,
neMizipe, neKefira, neMoza,And Mizpeh, and Chephirah, and Mozah,
neRekemi, neIripeeri, neTarara,And Rekem, and Irpeel, and Taralah,
neZera, neErefi, neJebhusi (ndiro Jerusaremu), neGibhiyati, neKiriati; maguta ane gumi namana nemisha yawo; ndiyo yakanga iri nhaka yavana vaBhenjamini nemhuri dzavo.And Zelah, Eleph, and Jebusi, which is Jerusalem, Gibeath, and Kirjath; fourteen cities with their villages. This is the inheritance of the children of Benjamin according to their families.