Mako 3
Mark 3 · 35 verses
1Wakapindazve musinagoge, zvino kwakanga kunomunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana.
2Vakamutarisisa kuvona kana angamuporesa nomusi wesabata kuti vamupomere mhosva.
3Zvino wakati kumunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana, simuka pakati pavo!
4Akati kwavari, zvakatenderwa here nesabata kuita zvakanaka kana zvakaipa, kuponesa munhu kana kuvuraya? Vakanyarara.
5Zvino wakati aringa-ringa achivatarira nokutsamwa ane shungu nokuda kokuwoma kwemoyo yavo. Akati kumunhu, tambanudza ruvoko rwako. Akarutambanudza ruvoko rwake rukaporeswa rukava sorumwe.
6Zvino vaFarise vakati vabuda vakandorangana pakarepo navaHerodhe pamusoro pake kuti vangamuvuraya sei.
7Zvino Jesu wakaenda navadzidzi vake kugungwa, vanhu vazhinji vakamutevera vachibva Garirea nokuJudhea,
8neJerusarema neIdumea nemhiri kwaJoridhani nokunyika yeTire neSidhoni, vanhu vazhinji-zhinji vakati vanzwa zvaanoita vakavuya kwaari.
9Akavudza vadzidzi vake kuti kagwa kamugarire nokuda kwavazhinji kuti varege kumumanikidza.
10Nokuti wakanga aporesa vazhinji, naizvozvo vose vakanga vana marwere vakamumanikidza kuti vamunyangate.
11Nemweya yetsvina yakati yamuvona yaiwira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti, Ndiwe Mwanakomana waMwari!
12Akairaira zvikuru kuti irege kumuzivisa pachena.
13Zvino wakakwira mugomo akadana vaakanga achida, vakavuya kwaari.
14Akagadza vanegumi navaviri kuti vagare naye, avatume kuti vaparidze;
15Vuye vave nesimba rekuporesa nokubudisa mweya yakaipa.
16Akatumidza Simoni zita rinonzi Petro,
17naJakobho mwanakomana waZebhedi naJohane munun’una waJakobho akavatumidza ivo mazita anonzi Boanergesi ndokuti vanakomana vokutinhira;
18naAndrea naFiripo naBartoromeo naTomasi naJakobho mwanakomana waArfeo naTadeo naSimoni muKanani.
19naJudhasi Iskarioti wakamupa ndukiravo. Zvino wakapinda mumba
20vazhinji vakavungana naye nokudaro vakanga vasingagoni kunyange kudya chingwa.
21Vanhu vokwake vakati vachizvinzwa vakabuda kuzomubata nokuti vakati unopenga.
22Navanyori vakanga vaburuka vachibva Jerusarema vakati, una Beerzeburi unodudisa mweya yakaipa nomuchinda wemweya yakaipa.
23Zvino akavadanira kwaari akati kwavari nemifananidzo, Satani ungabudisa Satani seiko?
24Kana vushe bwuchizvipesanisa, vushe uhwo habwungagoni kumira.
25Kana imba ichizvipesanisa, imba iyo haingagoni kumira.
26Kana Satani achizvimukira akazvipesanisa haangagoni kumira asi unopera.
27Hakuno munhu ungapinda mumba momurume unesimba akatora nhumbi dzake asati ambosunga murume unesimba zvino ungaparadza imba yake.
28Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vanakomana vavanhu vachakanganwirwa zvivi zvose nokumhura kose kwavanomhura Mwari nako.
29Asi aninani wamhura Mweya Mutsvene haangakanganwirwi nokusingaperi asi uri panjodzi yokurashiwa.
30Nokuti vakati unomweya wetsvina.
31Zvino mai vake navanunu’una vake vakavuya, vakamira kunze vakatumira nhume kwaari kumudana.
32Vazhinji vakanga vagere vakamukomba vakati kwaari, tarirai mai venyu navanun’una venyu nehanzvidzi dzenyu vari kunze vachikutsvakai.
33Akavapindura akati, mai vangu navanun’una vangu ndivana aniko?
34Zvino akaringaringa vanhu vakanga vagere vakamukona akati, tarirai mai vangu navanun’una vangu!
35Nokuti aninani unoita kuda kwaMwari ndiye munun’una wangu nehanzvadzi namai.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.