Mapisarema 1
Psalms 1 · 6 verses
NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app
1Akakomborerwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, Asingamiri panzira yavatadzi, Asingagari panogara vadadi.
2Asi anofarira murayiro waJehovha; Anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.
3Achafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, Unobereka michero yawo nenguva yawo, Mashizha awo haasvavi; Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.
4Vakaipa havana kudaro; Asi vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo.
5Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongeswa, Navatadzi paungano yavakarurama.
6Nokuti Jehovha anoziva nzira yavakarurama; Asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.