Bhaibheri

Mapisarema 115

Psalms 115 · 18 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Isu kwete, Jehovha, isu kwete, Asi zita renyu ngarikudzwe, Nokuda kwengoni dzenyu, uye nokuda kwokutendeka kwenyu.

2Vahedheni vachareverei, vachiti, Ko Mwari wavo zvino uripi?

3Asi Mwari wedu ari kudenga-denga; Akaita zvose zvaakada.

4Zvifananidzo zvavo sirivha nendarama, Basa ramaoko avanhu.

5Zvinemiromo, asi hazvitauri; nameso zvinawo, asi hazvioni;

6Zvinenzeve, asi hazvinzwi; Nemhino zvinadzo, asi hazvinhuwidzi;

7zvina maoko, asi hazvibati; Namakumbo zvinawo, asi hazvifambi; Hazvitauri napahuro pazvo.

8Ivo vanozviita vachafanana nazvo; Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo.

9lwe Isiraeri, vimba naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.

10Iwe imba yaAroni, vimba naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.

11Imi munotya Jehovha, vimbai naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.

12Jehovha akatirangarira; iye achatiropafadza; Acharopafadza imba yaIsiraeri, Acharopafadza imba yaAroni.

13Acharopafadza vanotya Jehovha, Vaduku navakuru vose.

14Jehovha acharamba achikuwanzai, Imi navana venyu.

15Imi makaropafadzwa naJehovha, Iye akaita kudenga napasi.

16Kudenga-denga ndiko kudenga-denga kwaJehovha; Asi pasi akapa vanakomana vavanhu.

17Vakafa havarumbidzi Jehovha, Kunyange ani naani anoburukira kwakanyarara;

18Asi isu hedu tichakudza Jehovha Kubva panguva ino kusvika pakusingaperi. Hareruya!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.