Bhaibheri

Mapisarema 12

Psalms 12 · 8 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Batsirai, Jehovha; nokuti vanoda Mwari vopera; Nokuti vakatendeka havachipo pakati pavana vavanhu.

2Vanotaura mumwe nomumwe zvisina maturo nowokwake; Vanotaura nomuromo unobata kumeso, uye nemoyo miviri.

3Jehovha achagura miromo yose inobata kumeso, Norurimi runotaura zvinhu zvikuru;

4Ivo vakati, Tichakunda norurimi rwedu; Miromo yedu ndeyedu; ndianiko angava ishe wedu?

5Nokuda kwokumanikidzwa kwavarombo, nokugomera kwavanoshaiwa, Ndichamuka zvino nokuda kwaizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha; Ndichamuisa pakasimba ipo paanoshuva.

6Mashoko aJehovha mashoko akachena; Sesirivha yakaidzwa mubisiro panyika, Yakanatswa kanomwe.

7Muchavachengeta, Jehovha, Muchavachengeta parudzi urwu nokusingaperi.

8Vakaipa vanofamba pamativi ose, Kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanakomana vavanhu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.