Mapisarema 136
Psalms 136 · 26 verses
1Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
2Vongai Mwari wavamwari; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
3Vongai Ishe wamadzishe; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
4Iye oga, anoita zvishamiso zvikuru; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
5Iye, akaita kudenga-denga nenjere dzake; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
6Iye akatatamura pasi pamusoro pemvura zhinji; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
7Iye akaita zviedza zvikuru; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
8Zuva, kuti ribate ushe masikati; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
9Mwedzi nenyeredzi, kuti zvibate ushe usiku; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
10Iye, akarova veIjipiti pamatangwe avo; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
11Akabudisa Isiraeri pakati pavo; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
12Nechanza chine simba, uye noruoko rwakatambanudzwa; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
13Iye akaparadzanisa Gungwa Dzvuku napakati; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
14Akayambusa Isiraeri nomukati maro; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
15Akawisira Farao nehondo yake muGungwa Dzvuku; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
16Iye, akaperekedza vanhu vake murenje; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
17Iye, akaparadza madzimambo makuru; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
18Akauraya madzimambo akakurumbira; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
19Sihoni mambo wavaAmori; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
20NaOgi mambo weBhashani; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
21Akapa nyika yavo ive nhaka; ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
22Ive nhaka yaIsiraeri muranda wake; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
23Iye, akatirangarira paurombo hwedu; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;
24Akatirwira pavadzivisi vedu; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
25Ndiye anopa zvinhu zvose zvokudya zvazvo; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
26Vongai Mwari wokudenga; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.