Bhaibheri

Mapisarema 14

Psalms 14 · 7 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Benzi rakati mumoyo maro, Mwari haako. Vakaora, vakabata mabasa anonyangadza; Hapana anoita zvakanaka.

2Jehovha ari kudenga, akatarira pasi kuvana vavanhu, Kuti aone kana akachenjera aripo, Anotsvaka Mwari.

3Vakatsauka vose, vakasvibiswa pamwechete; Hapana anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.

4Ko vaiti vose vezvakaipa havana zivo here? Ivo vanodya vanhu vangu sezvavanodya chingwa, Vasingadani kuna Jehovha.

5Vakanga vachitya zvikuru ipapo; Nokuti Mwari anogara parudzi rwavakarurama.

6Munonyadzisa zano romurombo, Asi Jehovha ndiye utiziro hwake.

7Dai kuponeswa kwalsiraeri kwaibva paZiyoni! Kana Jehovha achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakobho achafarisisa kwazvo, naIsiraeri achafara.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.