Mapisarema 16
Psalms 16 · 11 verses
1Ndichengetei, Mwari, nokuti ndinovimba nemi.
2Ndakati kuna Jehovha, Ndimi Ishe wangu; Kunze kwenyu handine chinhu chakanaka.
3Kana vari vatsvene, vari panyika, Ndivo vakaisvonaka vandinofarira zvikuru.
4Kuchema kuchawanzwa kwavanovigira mumwe mwari zvipo; Zvipiriso zvavo zvinodururwa zveropa handingazvidururi, Namazita avo handingaarevi nemiromo yangu.
5Jehovha ndiye mugove wenhaka yangu nowomukombe wangu; Munochengeta mugove wangu.
6Rwonzi rwokuyera rwakandiyerera nzvimbo dzakanaka; Zvirokwazvo, nhaka yangu yakaisvonaka.
7Ndicharumbidza Jehovha akandipa mano, Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzinondidzidzisa panguva dzousiku.
8Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose; Zvaari kurudyi rwangu, handingazununguswi.
9Naizvozvo moyo wangu unofara, kukudzwa kwangu kunofarisisa; Nyama yanguvo ichagara yakachengetwa.
10Nokuti hamungasiyi mweya wangu muSheori; Hamungatenderi mutsvene wenyu kuti aone kuora.
11Mundiratidza nzira youpenyu; Mufaro wakazara uri pamberi pangu; Paruoko rwenyu rworudyi panezvinofadza nokusingaperi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.