Mapisarema 22
Psalms 22 · 31 verses
1Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Munomirireiko kure pakundibatsira, napamashoko okugomba kwangu?
2Mwari wangu, ndinodana masikati, asi hamupinduri; Nousiku, asi handiwani zororo.
3Asi imi muri mutsvene, Imi mugere parumbidzo dzaIsiraeri.
4Madzibaba edu akavimba nemi; Vakavimba, imi mukavarwira.
5Vakachema kwamuri, vakarwirwa; Vakavimba nemi, vakasanyadziswa.
6Asi ini ndiri honye, handizi munhu; Ndiri chinhu chinozvidzwa navanhu, chinoshorwa navanhu vose.
7Vose, vanondiona vanondiseka; Vanoshamisa muromo, vanodzungudza misoro, vachiti,
8Chizviisai kuna Jehovha; iye ngaamurwire; Ngaamurwire, zvaanomufarira iye.
9Asi ndimi makandibudisa pachizvaro; Makandivimbisa nemi ndichiri pamazamu amai vangu.
10Ndakaiswa kwamuri kubva pachizvaro; Imi muri Mwari wangu kubva padumbu ramai vangu.
11Regai kuva kure neni; nokuti njodzi iri pedo; Nokuti hapana angabatsira.
12Hondo zhinji dzakandikomba; Hondo dzine simba dzaBhashani dzakandipoteredza.
13Dzinondishamisira miromo yadzo, Seshumba inoparadza ichiomba.
14Ndakadururwa semvura, Mapfupa angu ose akasvodogoka; moyo wangu wakafanana nenamo; Wakanyauka mukati moura hwangu.
15Simba rangu rakaoma sechaenga; Rurimi rwangu rwakanamatira pashaya dzangu; Makandiisa paguruva rorufu.
16Nokuti imbwa dzakandikomberedza; Ungano yavanoita zvakaipa yakandipoteredza; Vakaboora maoko angu namakumbo angu;
17Ndingaverenga mapfupa angu ose; Vanonditarira nokundinan’anidza;
18Vanogovana nguvo dzangu pakati pavo, Vanokanda mijenya pamusoro pehanzu yangu.
19Asi imi Jehovha, regai kuva kure neni; Imi simba rangu, kurumidzai kundibatsira.
20Rwirai mweya wangu pamunondo; Mudikanwa wangu pasimba rembwa.
21Ndiponesei pamuromo weshumba; Zvirokwazvo, makandipindura ndiri pakati penyanga dzenyati.
22Ndichadudzira zita renyu kuhama dzangu; Ndichakurumbidzai pakati peungano.
23Imi munotya Jehovha, murumbidzei; Imi mose vana vaJakobho, mukudzei; Mumutyei, imi mose vana vaIsiraeri.
24Nokuti haana kuzvidza kana kusema dambudziko raanotambudzwa; Kana kumuvanzira chiso chake; Asi panguva yaakachema kwaari akamunzwa.
25Kurumbidza kwangu paungano huru kunobva kwamuri; Ndicharipa mhiko dzangu pamberi pavanomutya.
26Vanyoro vachadya vakaguta; Vanotsvaka Jehovha ndivo vachamurumbidza; moyo yenyu ngairarame nokusingaperi.
27Migumo yose yenyika icharangarira nokudzokera kuna Jehovha; Marudzi ose avahedheni achanamata kwamuri.
28Nokuti ushe ndohwaJehovha; Ndiye mubati wavahedheni.
29Vakuru vose venyika vachadya nokunamata; Vose vanoburukira kuguruva vachapfugama pamberi pake, Naiye asingagoni kuraramisa mweya wake.
30Vana vake vachanamata kwaari; Rudzi runotevera ruchaudzwa zvaJehovha.
31Vachauya vachidudzira kururama kwake Kuvanhu vachazozvarwa, kuti ndiye wakazviita.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.