Bhaibheri

Mapisarema 27

Psalms 27 · 14 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Jehovha ndiye chiedza changu noMuponesi wangu; ndingagotya aniko? Jehovha ndiye simba roupenyu hwangu; ndingagovhunduswa naniko?

2Vaiti vezvakaipa vakati vachiuya kwandiri kuzodya nyama yangu, Ivo vadzivisi vangu navavengi vangu, vakagumburwa vakawa.

3Kunyange hondo ikandikomba, moyo wangu haungatyi; Kunyange ndikavingwa nokurwa, Nenguva iyo ndichavimba naJehovha.

4Chinhu chimwechete ndakakumbira kuna Jehovha, ndicho chandichatsvaka; Kuti ndigare mumba maJehovha misi yose youpenyu hwangu, Kuti ndione kunaka kwaJehovha, nokurangarira mutemberi yake.

5Nokuti nomusi wenjodzi anondiviga mudumba rake, Uchandivanza pakavanda patende rake; Uchandikwiridza padombo.

6Zvino musoro wangu uchasimudzirwa kumusoro kwavavengi vangu vanondikomba; Ndichamubayira zvibayiro zvomufaro patende rake. Ndichaimba, zvirokwazvo ndichaimbira Jehovha nziyo dzokumurumbidza.

7Inzwai Jehovha, kana ndichidana nenzwi rangu; Ndinzwirei tsitsi, mundipindure.

8Panguva yamakati, Tsvakai chiso changu; moyo wakati kwamuri, Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka.

9Regai kundivanzira chiso chenyu; Musadzinga muranda wenyu pakutsamwa kwenyu; Makanga muri mubatsiri wangu; Regai kundirasha, kana kundisiya, imi Mwari muponesi wangu.

10Nokuti baba vangu namai vangu vakandirasha, Asi Jehovha achandigamuchira.

11Ndidzidzisei nzira yenyu Jehovha; Mundifambise panzira yakati chechetere, Nokuda kwavanondivandira.

12Musandisundira pakuda kwavadzivisi vangu; Nokuti zvapupu zvenhema zvakandimukira, navanofemereka hasha.

13Ndingadai ndakafa hangu, kana ndisina kutenda kuti ndichaona kunaka kwaJehovha. Panyika yavapenyu.

14Rindira Jehovha; Iva nesimba, nomoyo wako utsunge; Ndinoti, rindira Jehovha.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.