Bhaibheri

Mapisarema 51

Psalms 51 · 19 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Ndinzwirei tsitsi, Mwari nokuda kwounyoro hwenyu; Dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu zhinji.

2Ndisukei zvakaipa zvangu chose, Ndinatsei chivi changu.

3Nokuti ndinoziva kudarika kwangu; Chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.

4Ndakakutadzirai imi, iyemi moga, Ndakaita chinhu chakaipa pamberi penyu; Kuti munzi makarurama pakutaura kwenyu, Muve usina mhosva pakutonga kwenyu.

5Tarirai, ndakaberekerwa muzvakaipa; Mai vangu vakandigamuchira muzvivi.

6Tarirai, munoda zvokwadi pamoyo; Munoda kundidzidzisa uchenjeri mukati makavanda.

7Ndinatsei nehisopi, ndive akanaka, Ndishambidzei, ndichene kupfuura mazayi echando.

8Ndinzwisei mufaro ndive nomoyo muchena; Kuti mapfupa amakavhuna afare.

9Vanzirai zvivi zvangu chiso chenyu, Dzimai zvakaipa zvangu zvose.

10Sikai mukati mangu moyo wakachena, Mwari; Vandudzai mukati mangu mweya wakarurama.

11Regai kundirasha pamberi penyu; Musabvisa mweya wenyu mutsvene kwandiri.

12Dzoseraizve kwandiri mufaro wokuponesa kwenyu; Nditsigirei nomweya, unoda.

13Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu; Uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.

14Ndirwirei pamhosva yeropa, Mwari, imi Mwari muponesi wangu; Ipapo rurimi rwangu ruchaimbira kururama kwenyu kwazvo.

15Ishe, zarurai miromo yangu; Ipapo muromo wangu uchaparidza kurumbidzwa kwenyu.

16Nokuti imi hamufariri zvibayiro; ndingadai ndaikupai izvo; Hamufadzwi nechipiriso chinopiswa.

17Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; moyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamungaushori.

18Itirai Ziyoni zvakanaka nokuda kwenyu; Vakai masvingo eJerusaremu.

19Ipapo muchafarira zvibayiro zvakarurama, nechipiriso chinopiswa nechipiriso chinopiswa chose; Ipapo vachabayira nzombe paaritari yenyu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.