Bhaibheri

Mapisarema 73

Psalms 73 · 28 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvirokwazvo Mwari anoitira Isiraeri zvakanaka, Ivo vane moyo yakachena.

2Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakanga dzotsauka; Makumbo angu akanga otedzemuka.

3Nokuti ndakanga ndichigodora vana manyawi, Pakuona kwangu kufara kwavakaipa.

4Nokuti havatambudziki pakufa kwavo; Asi muviri wavo une simba.

5Havana njodzi savamwe vanhu; Havatambudzwi savamwe vanhu

6Saka kuzvikudza kwavo kwakafanana noruketani pamitsipa yavo; Kumanikidza kunovafukidza senguvo.

7Meso avo anobuda nokukora; Zvavanofunga pamoyo zvinofashamira;

8Vanoseka, vachireva pakuipa kwavo zvinomanikidza vamwe; Vanotaura vachizvikudza.

9Vakataurira kudenga nemiromo yavo, Ndimi dzavo dzinofamba-famba pasi.

10Saka vanhu vake vanodzokera ikoko; Vanosvinirwa mvura zhinji, mukombe uzere.

11Zvino vanoti, Mwari angaziva seiko? Wokumusorosoro angava nokuziva here?

12Tarirai, ndizvo zvakaita vakaipa; Vanowedzera fuma yavo vachingogara vasingatamburi.

13Zvirokwazvo ndakanatsa moyo wangu pasina, Nokushambidza maoko angu ndisina mhosva;

14Nokuti ndakatambudzwa zuva rose, Ndakarangwa mangwanani ose.

15Kana ndaiti, ndichataura kudai; Tarirai, ndainyengera rudzi rwavana venyu.

16Zvino ndakaramba ndichifunga kuti ndizvinzwisise, Asi zvakandiremera kwazvo;

17Kusvikira ndapinda panzvimbo tsvene yaMwari, Ndikatarira kuguma kwavo.

18Zvirokwazvo munovaisa panotedza; Munovawisira pasi kuti vaparadzwe.

19Haiwa, vanoparadzwa kamwe-kamwe! Vanopedzwa chose nezvinotyisa.

20Sezvakarotwa, kana munhu apepuka; Saizvozvo, Ishe, muchashora mufananidzo wavo, kana muchimuka.

21Nokuti moyo wangu wakachema, Ndakabayiwa patsvo dzangu.

22Ndakanga ndiri benzi, ndisingazivi chinhu; Ndakanga ndakafanana nemhuka pamberi penyu.

23Kunyange zvakadaro ndinoramba ndinemi; Makabata ruoko rwangu rworudyi.

24Muchandiperekedza nezano renyu, Ndokuzondigamuchira pakubwinya.

25Ndianiko kudenga, kana musimi? Napasi hapana wandinoda kunze kwenyu.

26Nyama yangu nomoyo wangu zvinopera; Asi Mwari ndiye dombo romoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi.

27Nokuti tarirai, vari kure nemi vachapera; Makaparadza vose vakakusiyai noupombwe hwavo.

28Kana ndirini, kuswedera pedo naye ndizvo zvinondifadza; Ishe Mwari ndakamuita nhare yangu, Kuti ndiparidze mabasa enyu ose.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.