Bhaibheri

Mapisarema 81

Psalms 81 · 16 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Imbirai Mwari kwazvo, iye simba redu; Pururudzai kuna Mwari waJakobho.

2Vambai rwiyo, muridze ngoma, Nembira dzinonakidza nomutengeranwa.

3Ridzai hwamanda pakugara kwomwedzi, Napakuchena kwomwedzi, pamutambo wedu wakatarwa.

4Nokuti ndizvo zvakatemerwa Zvakarairwa naMwari waJakobho.

5Wakazvitema muna Josefa kuti chive chipupuriro, Panguva yaakandorwa nenyika yeIj ipiti; Pandakanzwa rurimi rwandakanga ndisingazivi.

6Ndakabvisa mutoro pafudzi rake; Maoko ake akaregedza dengu.

7Iwe wakadana pakutambudzika, ndikakurwira; Ndakakupindura ndiri panovanda kutinhira; Ndakakuidza pamvura zhinji yeMeribha.

8Inzwai vanhu vangu, ndikupupurirei; Haiwa Isiraeri, dai waida hako kunditeerera!

9Ngakurege kuvapo pakati penyu mwari wokumwe; Musanamata kunomumwe mwari wavatorwa.

10Ndini Jehovha Mwari wako, Akakubudisa panyika yeIjipiti; Shamisa muromo wako kwazvo, ndigouzadza.

11Asi vanhu vangu havana kuteerera inzwi rangu; Isiraeri wakandiramba chose.

12Saka ndakavaregera paukukutu hwemoyo yavo, Kuti vafambe namano avo.

13Haiwa, dai vanhu vangu vainditeerera havo, Dai Isiraeri aifamba nenzira dzangu!

14Ndingadai ndakakurumidza kukunda vavengi vavo, Nokurova vadzivisi vavo noruoko rwangu.

15Vanovenga Jehovha vaizviisa pasi pake; Asi nguva yavo yaivapo nokusingaperi.

16Angadai aivadyisawo zviyo zvakaisvonaka; Ndaikugutsa nohuchi hunobva padombo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.