Mapisarema 83
Psalms 83 · 18 verses
1Haiwa Jehovha, regai kuramba munyerere; Regai kuramba musingatauri, musanyarara Mwari.
2Nokuti tarirai, vavengi venyu vanoita bope; Vanokuvengai vakasimudza misoro yavo.
3Vanofunga mano kuti vanyengere vanhu venyu, Vanorangana pamusoro pavakavanzwa nemi.
4Vakati, Uyai, tivaparadze, varege kuzova rudzi; Kuti zita raIsiraeri rirege kuzorangarirwa.
5Nokuti vakarangana nomoyo mumwe; Vanoita sungano kuzorwa nemi.
6Matende aEdhomu navaIshimaeri, Moabhu navaHagari;
7Gebhari, naAmoni, naAmareki; Firisitia pamwechete navagere Tire;
8Asiriawo wakasangana navo; Vakabatsira vana vaRoti.
9Muvaitire sezvamakaitira Midhiani; NaSisera, naJabhini, paRwizi Kishoni;
10Ivo vakaparadzwa paEndori; Vakava mupfudze wapasi.
11Itai vakuru vavo saOrebhi naZeebhi; Zvirokwazvo machinda avo ose saZebha naZarimuna;
12Ivo vakati, Ngatizvitorere Ugaro hwaMwari huve hwedu.
13Mwari wangu, muvaite seguruva rinondeyeswa nemhepo; Samakoto anodzingwa nemhepo.
14Somoto unopisa dondo, Somurazvo womoto unopisa makomo;
15Muvateverere saizvozvo nedutu renyu remhepo, Muvavhunduse nechamupupuri chenyu.
16Fukidzai zviso zvavo nokunyadziswa; Kuti vatsvake zita renyu, Jehovha.
17Ngavanyadziswe, vavhunduswe nokusingaperi; Zvirokwazvo, ngavanyadziswe vafe;
18Vazive kuti imi moga, imi munezita rinonzi Jehovha, Ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.