Mapisarema 85
Psalms 85 · 13 verses
1Jehovha, makafarira nyika yenyu; Makadzosa Jakobho pakutapwa.
2Makakanganwira kutadza kwavanhu venyu, Makafukidza zvivi zvavo zvose.
3Makabvisa kutsamwa kwenyu kwose; Makazvidzora pahasha dzenyu dzakanyanya.
4Tidzosei, Mwari muponesi wedu, Gumisai hasha dzenyu kwatiri.
5Ko mucharamba makatitsamwira nokusingaperi? Muchasvitsa kutsamwa kwenyu kumarudzi namarudzi here?
6Imi hamungatiraramisizve here, Kuti vanhu venyu vafare nemi?
7Tiratidzei ngoni dzenyu, Jehovha, Mutipe ruponeso rwenyu.
8Ndichanzwa zvichataura Mwari Jehovha; Nokuti achataura rugare kuvanhu vake nokuvatsvene vake; Asi ngavarege kudzokerazve kuupenzi.
9Zvirokwazvo kuponesa kwake kuri pedo navanomutya; Kuti kubwinya kugare munyika yedu.
10Ngoni nezvokwadi zvakasangana; Kururama norugare zvakatsvodana.
11Zvokwadi zvinomera pasi; Kururama kwakatarira pasi kuri kudenga.
12Zvirokwazvo, Jehovha uchapa zvinhu zvakanaka; Nyika yedu ichabereka zvibereko zvayo.
13Kururama kuchamutungamirira; Kuchagadzirira tsoka dzake nzira.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.