Bhaibheri

Mapisarema 9

Psalms 9 · 20 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Ndichavonga Jehovha nomoyo wangu wose; Ndichaparidza mabasa enyu ose anoshamisa.

2Ndichafara nokukufarirai zvikuru; Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro.

3Kana vavengi vangu vachidzokera shure, Vanogumburwa nokupera pamberi penyu.

4Nokuti mandiruramisira mhosva yangu; Makagara pachigaro choushe muchitonga nokururama.

5Makatuka vahedheni, makaparadza vakaipa, Makadzima zita ravo nokusingaperi-peri.

6Vavengi vakapera, vakaparadzwa nokusingaperi; Makaparadza maguta avo, Nechiyeudzo chawo chakaparara.

7Asi Jehovha agere ari mambo nokusingaperi; Akagadzira chigaro chake choushe kuti atonge.

8Achatonga nyika nokururama, Achatonga vanhu zvakafanira.

9Jehovha achava nhare yakasimba kuna vanomanikidzwa, Nhare yakasimba panguva yokutambudzika.

10Vanoziva zita renyu vachavimba nemi; Nokuti imi Jehovha hamuna kurasha vanokutsvakai.

11Imbirai Jehovha nziyo dzokumurumbidza, iye agere paZiyoni; dudzirai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu.

12Nokuti iye, anotsiva ropa, anovarangarira; Haakanganwi kuchema kwavarombo.

13Ndinzwirei tsitsi, Jehovha; Tarirai, kumanikidzwa kwangu navanondivenga, Imi munondisimudza pamisuo yorufu;

14Kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu kwose; Pamisuo yomukunda weZiyoni, Ndichafarira kuponesa kwenyu.

15Vahedheni vakanyura mugomba ravakachera; Rutsoka rwavo rwakabatwa mumumbure, wavakavanza.

16Jehovha wakazvizivisa, akatonga; Akaipa wakateyiwa nebasa ramaoko ake.

17Vakaipa vachadzokera kuSheori, Ivo vahedheni vose, vakakanganwa Mwari.

18Nokuti anoshaiwa haangakanganikwi nokusingaperi, Nokutarira kwomurombo hakungaperi nokusingaperi.

19Simukai Jehovha; munhu ngaarege kukunda; Vahedheni ngavatongwe pamberi penyu.

20Chivatyisai, Jehovha; Vahedheni ngavazive kuti vanongova vanhu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.