Mapisarema 90
Psalms 90 · 17 verses
1Ishe, makanga muri ugaro hwedu Pamarudzi namarudzi.
2Makomo asati azvarwa, Musati matongosika nyika nevhu, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi imi muri Mwari.
3Munodzosera munhu kuguruva; Muchiti, Dzokai vana vavanhu.
4Nokuti kwamuri makore ane chiuru Akangofanana nezuva razuro kana rapfuura, Senguva yokurinda yousiku.
5Munovakukura semvura zhinji; vava sehope; Mangwanani vakaita souswa hunomera.
6Mangwanani hunotumbuka, hunomera; Madekwana hunodzurwa, ndokusvava.
7Nokuti tinopedzwa nokutsamwa kwenyu, Tinotambudzika nehasha dzenyu.
8Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu, Zvivi zvedu zvakavanzika pachiedza chechiso chenyu.
9Nokuti mazuva edu ose anopfuura makatsamwa; Makore edu anopera sorungano.
10Mazuva amakore edu anosvika makore makumi manomwe, Kana tine simba makore makumi masere; Asi kunyange achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo bedzi. Nokuti gare-gare aenda, nesu tabhururuka taenda.
11Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu, Nehasha dzenyu, kuti mutyiwe zvakafanira here?
12Tidzidzisei kunatsoverenga mazuva edu, Kuti tizviwanire moyo wakachenjera.
13Dzokai Jehovha; kusvikira rinhiko? Muzvidembe pamusoro pavaranda venyu.
14Tigutsei mangwanani nengoni dzenyu; Kuti tifarise, tive nomufaro mazuva edu ose.
15Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza, Namakore atakaona zvakaipa.
16Zvamakaita ngazvionekwe navaranda venyu, Nokubwinya kwenyu pamusoro pavana vavo.
17Kunaka kwaJehovha Mwari wedu ngakuve pamusoro pedu; Mutisimbisire basa ramaoko edu; Zvirokwazvo, basa ramaoko edu murisimbise.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.