Mapisarema 92
Psalms 92 · 15 verses
1Zvakanaka kuvonga Jehovha, Nokuimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusorosoro;
2Kuparidza unyoro hwenyu mangwanani, Nokutendeka kwenyu usiku hwose,
3Nechinoridzwa chine ungiso gumi, nomutengeranwa; Nenzwi rakanaka pambira.
4Nokuti imi, Jehovha, makandifadza nezvamakaita; Ndichafara kwazvo namabasa amaoko enyu.
5Mabasa enyu akakura seiko, Jehovha! Mifungo yenyu yakadzika kwazvo.
6Asina njere haazvizivi; Benzi harinzwisisi izvozvi,
7Kana vakaipa vachimera souswa, Uye kana vaiti vose vezvakaipa vachikura; Zvinoitwa kuti vaparadzwe nokusingaperi.
8Asi imwi Jehovha muri kumusoro nokusingaperi.
9Nokuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu, Nokuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu vachaparara; Vaiti vose vezvakaipa vachaparadzirwa.
10Asi runyanga rwangu makarusimudza sorunyanga rwenyati; Ndakazodzwa namafuta matsva.
11Ziso rangu rakaona zvakaitirwa vavengi vangu, Nzeve dzangu dzakanzwa zvakaitirwa vaiti vezvakaipa, vakandimukira.
12Akarurama achamera somuchindwe; Achakura somusidhari paRebhanoni.
13Vakasimwa mumba maJehovha Vachakura muvazhe dzaMwari wedu.
14Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo; Vachava vanyoro navatsva;
15Kuti vaparidze kuti Jehovha akarurama; Ndiye dombo rangu, hapana chinhu chisina kururama maari.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.