Mapisarema 96
Psalms 96 · 13 verses
1Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; Imbirai Jehovha, pasi pose.
2Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake; Paridzai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe.
3Dudzirai kubwinya kwake pakati pavahedheni, Mabasa ake, anoshamisa pakati pendudzi dzose.
4Nokuti Jehovha mukuru, anofanira kurumbidzwa kwazvo; Anofanira kutyiwa kupfuura vamwari vose.
5Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo hazvo; Asi Jehovha akaita kudenga-denga.
6Kukudzwa noumambo zviri pamberi pake; Simba nokunaka zviri panzvimbo yake tsvene.
7Ipai Jehovha, imi mhuri dzavanhu, Ipai Jehovha kukudzwa nesimba.
8Ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake; Uyai nechipiriso, mupinde muvazhe dzake.
9Namatai kuna Jehovha nenguva tsvene; Pasi pose panobvunda pamberi pake.
10Itiyi pakati pavahedheni, Jehovha ndiye anobata ushe; Nyikawo yakasimbiswa, kuti irege kuzununguswa; Iye achatonga vanhu zvakarurama.
11Kudenga-denga ngakufare, kwazvo; Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mukati maro;
12Sango ngarive nomufaro, nezvose zviri mukati maro; Ipapo miti yose yedondo ichaimba nomufaro;
13Pamberi paJehovha, nokuti anouya; Nokuti anouya kuzotonga pasi; uchatonga nyika zvakarurama, Nendudzi nokutendeka kwake.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.