Maraki 1
Malachi 1 · 14 verses
1Chirevo cheshoko raJehovha kuna Isiraeri chakatumwa naMaraki.
2Ndakakudai ndizvo zvinotaura Jehovha. Kunyange zvakadaro imi munoti, `Makatida neiko?' Ko Esau akanga asi mukoma waJakobho here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange zvakadaro ini ndakada Jakobho;
3asi Esau ndakamuvenga, ndikaita makomo ake matongo, ndikapa makava amarenje nhaka yake.
4Kunyange Edhomu vakati, `Takaparadzwa hedu, asi tichadzoka tikavakazve matongo;' zvanzi naJehovha wehondo, `Vachavaka, asi ini ndichakoromora;' vanhu vachavatumidza, nyika yezvakaipa, uye vanhu vakatsamwirwa naJehovha nokusingaperi.
5Meso enyu achaona, mukati, `Jehovha anokudzwa munyika yose yaIsiraeri.'
6Mwanakomana anokudza baba vake, nomuranda anokudza tenzi wake; zvino kana ndiri baba venyu, kukudzwa kwangu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kutyiwa kwangu kuripiko? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kwamuri, imi vapirisiti vanozvidza zita rangu. Zvino imi moti, `Tinozvidza zita renyu neiko?'
7Munondivigira chingwa chine tsvina paaritari yangu. Zvino moti, `Takakusvibisai neiko?' Pakutaura kwenyu muchiti,`Tafura yaJehovha ngaizvidzwe hayo.'
8Kana muchindivigira chakapofumara chive chibayiro, hazvina kuipa here? Kana muchindivigira chinokamhina nechinorwara hazvina kuipa here? Chizvivigirai mubati wenyu; ungakufarirai here? Kana ungakugamuchirai here? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
9Zvino chikumbirai henyu nyasha dzaMwari, kuti atinzwire ngoni. Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
10Aiwa, dai kwaiva nomumwe wenyu waizarira hake mikova, kuti murege kubatidza moto paatari yangu pasina! Handikufaririyi imi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo handingagamuchiri chamunondivigira namaoko enyu.
11Nokuti kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni; pose-pose zvinonhuwira zvichavigirwa zita rangu, uye chipiriso chisina tsvina; nokuti zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
12Asi imi munozvimhura, zvamunoti, `Tafura yaJehovha yakasvibiswa, zvibereko zvayo, izvo zvokudya zvayo, ngazvizvidzwe hazvo.'
13Munotiwo, `Tarirai zvinonetsa sei! ' Mazvishora ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; makandivigira zvakapambwa, nezvinokamhina, nezvinorwara; ndizvo zvamunondivigira chipiriso; zvino ndingazvigamuchira pamaoko enyu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
14Asi munyengeri ngaatukwe ane gondohwe pakati pamakwai ake, ndokupika nokubayira Ishe chinhu chakaremara; nokuti ndiri Mambo mukuru ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo zita rangu rinotyisa pakati pavahedheni.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.