Mariro 1
Lamentations 1 · 22 verses
1Haiwa, guta, rakanga rizere navanhu, rinogara sei riri roga! Iro, rakanga riri guru pakati pamarudzi, rava sechirikadzi! Iro, rakanga riri vamoyo pakati penyika, rovigira mutero.
2Rinochema zvikuru usiku, misodzi yaro iri pamatama aro; pakati pavadikanwi varo vose rinoshaiwa muvaraidzi, shamwari dzaro dzose dzarinyengera, dzashanduka vavengi varo.
3Judha aenda kuutapwa nokuda kwokutambudzika, nokuda kwokubatiswa zvikuru; vanogara pakati pamarudzi, asi haavane zororo, vose vaidzingana navo vakamubata pakamanikana.
4Nzira dzeZiyoni dzinochema, nokuti hakuna anouya kumutambo, masuo aro ose akaparadzwa, vapirisiti varo vanogomera, mhandara dzaro dzinotambudzika, iro romene rinovavirwa.
5Vadzivisi varo ndivo vava vakuru, vavengi varo vanofara; nokuti Jehovha akaritambudza nemhaka yokudarika kwaro kuzhinji; vana varo vaduku vakaenda kuutapwa pamberi pomudzivisi.
6Kunaka kwake kwose kwakabva pamukunda weZiyoni; machinda ake aita senondo dzinoshaiwa mafuro, akatiza asine simba pamberi poanodzingana nawo.
7Namazuva okutambudzika nokudzungaira kwaro, Jerusaremu rinorangarira zvose zvairifadza kubva pamazuva akare; panguva. yakawira vanhu varo pamaoko omudzivisi, kusina wakaribatsira, vadzivisi vakariona, vakaseka kuparadzwa kwaro.
8Jerusaremu rakatadza zvikuru kwazvo, naizvozvo raitwa sechinhu chisakanaka; vose vairikudza, vorishora, nokuti vakaona kushama kwaro, zvirokwazvo, rakagomera, rikadzokera shure.
9Tsvina yaro yakanga iri panguvo yaro, harina kurangarira kuguma kwaro; naizvozvo rakanyura zvinoshamisa, harina munyaradzi; tarirai, Jehovha, kutambudzika kwangu, nokuti muvengi wazvikudza.
10Mudzivisi atambanudzira ruoko rwake kune zvose zvaro zvinofadza; nokuti rakaona marudzi achipinda panzvimbo yaro tsvene, vamakanga marayira pamusoro pavo kuti varege kupinda paungano yenyu.
11Vanhu varo vose vanogomera, vanotsvaka zvokudya; vakapa zvinhu zvavo zvinofadza kuti zvive zvokudya zvokusimbisa mweya yavo; tarirai, Jehovha, muone; nokuti ndaitwa wakazvidzwa.
12Nhai, imi mose munopfuura, hamuna hanya nazvo here? Tarirai muone kana kuchema kuripo kwakafanana nokuchema kwangu, kwakauyiswa pamusoro pangu, kwandakatambudzwa nako naJehovha nezuva rokutsamwa kwake kukuru.
13Akatuma moto mumapfupa angu, zvichibva kumusoro, akavakunda; akadzikira tsoka dzangu mumbure, akandidzosera shure; akandiparadza nokundishaisa simba zuva rose.
14Joko rokudarika kwangu kuzhinji rakasungwa noruoko rwake; zvakarukwa, zvaiswa pamutsipa wangu, zvandishaisa simba rangu; Ishe akandiisa mumaoko avasingagoni kudzivisa.
15Ishe akashaisa simba mhare dzangu dzose dzakandipoteredza, akakokera ungano yakatarwa kuzondipwanyira majaya angu; Ishe akatsika mukunda mhandara yaJudha sapachisviniro.
16Ndinochema nokuda kwezvinhu izvi, maziso angu anoyerera misodzi, nokuti munyaradzi, aifanira kusimbisa mweya wangu, uri kure neni; vana vangu vasiyiwa, nokuti muvengi akunda.
17Ziyoni rinotambanudza maoko aro, hakuna angarinyaradza; Jehovha akarayira pamusoro paJakobho, kuti vakamupoteredza vave vadzivisi vake; Jerusaremu riri pakati pavo sechinhu chakanaka.
18Jehovha akarurama, nokuti ndakamukira murayiro wake; doteererai imi vanhu vose, muone kuchema kwangu; mhandara dzangu namajaya angu aenda kuutapwa.
19Ndakadana vaindida, asi vakandinyengera; vapirisiti vangu navakuru vangu vakaparara muguta, panguva yavakanga vachizvitsvakira zvokudya kusimbisa mweya yavo.
20Tarirai, Jehovha, nokuti ndiri panjodzi, moyo wangu unotambudzika; moyo wangu washanduka mukati mangu, nokuti ndakakumukirai kwazvo; kunze munondo unonditorera vana, mumba makaita somuno rufu.
21Vakandinzwa ndichigomera, hakuna anondinyaradza; vavengi vangu vose vakanzwa nhamo dzangu, vanofara kuti makazviita; muchauyisa zuva ramakatara ipapo vachafanana neni.
22Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu; muvaitire ivo sezvamakandiitira ini nokuda kwokudarika kwangu kwose; nokuti kugomera kwangu kuzhinji, moyo wangu washaiwa simba.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.