Bhaibheri

Mateu 1

Matthew 1 · 25 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1(Ruka 3. 23-38.) Mazita amadzitateguru aJesu Kristu, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahamu;

2Abhurahamu akabereka Isaka, Isaka akabereka Jakobho, Jakobho akabereka Judha navanun’una vake,

3Judhasi akabereka Faresi naZara kumukadzi wake Tamari, Faresi akabereka Esiromi, Esromi akabereka Arami,

4Arami akabereka Aminadhabhi, Aminadhabhi, Akabereka Nasoni,Nasoni akabereka Sarimoni,

5Sarimoni akabereka Bhowasi kumukadzi wake Rahabhi, Bhowasi akabereka Obedi kumukadzi wake Rute, Obedi akabereka Jese,

6Jese akabereka mambo Dhavhidhi, Dhavhidhi akabereka Soromoni kumukadzi waUria,

7Soromoni akabereka Robhoami, Robhoami akabereka Abhiya, Abhiya akabereka Asafa,

8Asafa akabereka Josafati, Josafati akabereka Joramu, Joramu akabereka Ozia,

9Ozia akabereka Jotamu, Jotamu akabereka Ahazi,Ahazi akabereka Ezekia,

10Ezekia akabereka Manase, Manase akabereka Amoni, Amoni akabereka Josia,

11Josia akabereka Jekonia navanun’una vake nenguva yokutapwa kwavo Bhabhironi.

12Shure kokutapwa kwavo Bhabhironi, Jekonia akabereka Saratieri, Saratieri akabereka Zorobhabheri,

13Zorobhabheri akabereka Abiudhi; Abiudhi akabereka Eriakimi,Eriakimi akabereka Azori;

14Azori akabereka Sadhoki, Sadhoki akabereka Akimi, Akimi akabereka Eriudhi,

15Eriudhi akabereka Ereazari Ereazari akabereka Matani,Matani akabereka Jakobho,

16Jakobho akabereka Josefa, murume waMaria, unova ndiye wakazvara Jesu, unonzi Kristu.

17Naizvozvo marudzi ose kubva kuna Abhurahamu kusvikira kuna Dhavhidhi aiva marudzi anegumi namana, kubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapwa kweBhabhironi, marudzi anegumi namana kubva pakutapwa Bhabhironi kusvikira kuna Jesu Kristu, marudzi anegumi namana.

18Kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kudai, Maria mai vake, wakati anyengwa naJosefa, vasati vasangana, wakavonekwa ava nemimba noMweya Mutsvene.

19Zvino Josefa murume wake zvaakanga ari munhu wakarurama, asingadi kumunyadzisa, wakafunga kumurega chinyararire.

20Zvino wakati acharangarira izvozvo, tarira mutumwa washe akazviratidza kwaari pakurota akati, Josefa mwanakomana waDhavhidhi, usatya kutora Maria, mukadzi wako, nokuti icho chakagamuchidzwa mukati make ndechoMweya Mutsvene.

21Iye uchazvara Mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu, nokuti ndiye uchaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.

22Izvozvi zvose zvakaitwa kuti zviitike zvakarebwa naShe, nomuromo womuporofita achiti,

23Tarira mhandara ichava nemimba, ichazvara Mwanakomana, vachamutumidza zita rinonzi Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari unesu.

24Zvino Josefa akamuka pahope dzake, akaita sezvaakarairwa nomutumwa waShe, akatora mukadzi wake.

25Akasamuziva kusvikira azvara mwanakomana wake wedangwe, ndokumutumidza zita rinonzi Jesu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.