Mika 1
Micah 1 · 16 verses
1Shoko raJehovha, rakauya kuna Mika weMoresheti namazuva aJotamu naAhazi naHezekia, madzimambo aJudha, raakaona pamusoro peSamaria neJerusaremu.
2Inzwai imi marudzi avanhu, imi mose; teerera iwe nyika, nezvose zvirimo; Ishe Jehovha ngaakupupurirei, iye Ishe ari mutemberi yake tsvene.
3Nokuti tarirai, Jehovha anobuda panzvimbo yake, achaburuka nokutsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.
4Makomo achanyauka pasi pake, mipata ichapamuka senamo yakaiswa pamoto, semvura inodururwa pamawere.
5Zvose izvi zvinoitwa nokuda kwokudarika kwaJakobho, uye nokuda kwezvivi zveimba yaIsiraeri. Kudarika kwaJakobho ndokweiko? Harizi Samaria here? Nzvimbo dzakakwirira dzaJudha ndedzipiko? Harizi Jerusaremu here?
6Saka Samaria ndichariita somurwi wamabwe musango, senzvimbo dzingasimwa mizambiringa; ndichakandira mabwe aro mumupata, ndichifukunura nheyo dzaro.
7Mifananidzo yaro yose yakavezwa ichaputswa-putswa, mibairo yaro yose ichapiswa nomoto, uye ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose; nokuti rakazviunganidza izvo uri mubayiro wechifeve, naizvozvi zvichadzokerazve kumubayiro wechifeve.
8Nemhaka iyi ndichachema nokuungudza, ndichafamba ndisina nguo ndakashama, ndichaungudza samakava nokurira semhou.
9Nokuti mavanga aro haadi kupora, nokuti zvasvika kuna Judhawo; zvisvikira pasuo ravanhu vangu, ipo paJerusaremu.
10Musazvireva paGati, regai kutongochema; paBheti-re-Afura ndakaumburuka muguruva.
11Chibva uende, iwe ugere Shafiri, wakashama uchinyara; agere Zaanani haana kubuda kuungudza paBheti-ezeri kuchakutorera pokumira.
12Nokuti agere Maroti anomirira zvikuru chinhu chakanaka, nokuti zvakaipa zvakaburuka zvichibva kuna Jehovha zvikasvikira kusuo reJerusaremu.
13Iwe ugere Rakishi, sunga mabhiza pangoro; ndiro rakatanga kuisa mukunda weZiyoni pazvivi, nokuti kudarika kwalsiraeri kwakawanikwa mauri.
14Saka iwe uchapa Moresheti-gati chipo chokuonekana; dzimba dzeAkizibhi dzichava chinhu chinonyengera madzimambo aIsiraeri.
15Iwe ugere Maresha, ndichakuuyisira mumwe achakukunda; vakakudzwa valsiraeri vachasvika paAdhurami.
16Zviitire mhazha, vevura vhudzi rako pamusoro pavana vaunofarira; kurisa mhazha yako seyegondo, nokuti vakatapwa kure newe.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.