Nehemia 12
Nehemiah 12 · 47 verses
1Zvino ava ndivo vapirisiti navaRevhi vakaenda naZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri, naJeshua: Seraya, naJeremiya, naEzira;
2naAmaria, naMaruki, naHatushi;
3naShekania, naRehumi, naMeremoti;
4naIdho, naGinetoi, naAbhiya;
5naMijamini, naMaadhia, naBhiriga;
6naShemaya, naJoyaribhi, naJedhaya;
7naSaru, naAmoki, naKirikiiya, naJedhaya. Ndivo vakanga vari vakuru vavapirisiti navehama dzavo pamazuva aJeshua.
8Uye navaRevhi ava: Jeshua, naBhinui, naKadhimieri, naSherebhia, naJudha, naMatania, iye nehama dzake ndivo vairaira vaimbi.
9NaBhakibhukia, naUno, hama dzavo, vakanga vakatarisana navo pakurinda.
10Jeshua akabereka Joyakimu, Joyakimu akabereka Eriashibhi, Eriashibhi akabereka Joyadha;
11Joyadha akabereka Jonatani, Jonatani akabereka Jadhua.
12Pamazuva aJoyakimu vapirisiti, ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba, vakanga vari: wokwaSeraya, Meraya; wokwaJeremiya, Hananiya
13wokwaEzira, Meshurami, wokwaAmaria, Jehohanani;
14wokwaMaruki, Jonatani; wokwaShebhania, Josefa;
15wokwaHarimi, Adhina; wokwaMerayoti, Herikai;
16wokwa Idho, Zekariya; wokaGinetoni, Meshurami;
17wokwaAbhia, Zikiri; wokwaMinyamini waMoadhia, Piritai
18wokwaBhiriga, Shamua; wokwaShemaya, Jehonatani,
19wokwaJoyaribhi, Matenai; wokwaJedhaya, Uzi;
20wokwaSarai, Karai; wokwaAmoki, Ebheri;
21wokwaHirikia Hashabhia; wokwaJedhaya, Netaneri.
22VaRevhi vakanyorwa mazita avakuru vedzimba dzamadzibaba pamazuva aEriashibhi, naJoyadha, naJohanani, naJadhua; navapirisitiwo kusvikira pakubata ushe kwaDhariusi muPerisia.
23Vanakomana vaRevhi ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba, vakanyorwa pabhuku yaMakoronike, kusvikira pamazuva aJohanani mwanakomana waEriashibhi.
24Vakuru vavaRevhi vakanga vari: Hashabhia, naSherebhia, naJeshua, mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo dzakatarisana navo pakurumbidza nokuvonga, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi munhu waMwari, vachiita madzoro pakuimba.
25Matania, naBhakibhukia, naObhadhiya, naMeshurami, naTarimoni, naAkubhi vakanga vari varindi vemikova, vairinda pamatura pamasuo.
26Ndivo vakanga varipo pamazuva aJoyakimu mwanakomana waJeshua, mwanakomana waJozadhaki,. napamazuva aNehemiya mubati, nomupirisiti Ezira munyori.
27Zvino pakutsaurira kwavo Jehovha rusvingo rweJerusaremu, vakandotsvaka vaRevhi pose pavakanga vagere, vakauya navo Jerusaremu, kuti vatsaure nomufaro, nokuvonga nokuimba, nokuridza makandira nemitengeranwa nembira.
28Vanakomana vavaimbi vakaungana pamwechete vachibva kumapani akapoteredza Jerusaremu, nokumisha yavaNetofati;
29napaBhetigirigari, naparuwa rweGebha neAzimavheti; nokuti vaimbi vakanga vazvivakira misha pamativi ose eJerusaremu.
30Zvino vapirisiti navaRevhi vakazvinatsa, ndokunatsawo vanhu, namasuo, norusvingo.
31Ipapo ndakakwidza machinda avaJudha pamusoro porusvingo, ndikaraira mapoka makuru maviri vakavonga vachifamba vakaita mudungwe; vamwe vakafamba kurutivi rworudyi pamusoro porusvingo, vachienda kusuo ramarara;
32shure kwavo kwakafamba Hosaya, nehafu yamachinda aJudha,
33naAzaria, naEzira, naMeshurami,
34naJudha, naBhenjamini, naShemaya, naJeremiya,
35navamwe vanakomana vavapirisiti vane hwamanda. Zekariya, mwanakomana waJonatani, mwanakomana waShemaya, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMikaya, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waAsafi,
36nehama dzake: Shemaya, naAzareri, naMirarai, naGirarai, naMaai, naNetaneri, naJudha, naHanani vane zvokuridza zvaDhavhidhi munhu waMwari; Ezira, munyori akanga ari pamberi pavo;
37vakafamba napasuo retsime, vakarurama, ndokukwira namatanho eguta raDhavhidhi, pamukwidzwa worusvingo, pamusoro peimba yaDhavhidhi, kusvikira pasuo remvura, kumabvazuva.
38Rimwe boka ravavongi rakandosangana navo, ini ndichivatevera, ndine hafu yavanhu pamusoro porusvingo, pamusoro peshongwe yamavira, kusvikira parusvingo rupamhi;
39napamusoro pesuo raEfuremu, napasuo rekare, napasuo rehove, neshongwe yaHananeri, neshongwe yaHamea, kusvikira pasuo ramakwai, vakamira pasuo ravarindi.
40Mapoka maviri avavongi vakamira saizvozvo paimba yaMwari, neni nehafu yavatariri,
41navapirisiti Eriakimu, naMaaseya, naMiniamini, naMikaya, naErionenai, naZekariya, naHanania, vane hwamanda;
42naMaaseya, naShemaya, naEreazari, naUzi, naJehohanani, naMarikija, naErami, naEzeri. Vaimbi vakaimbisa kwazvo, vana Jezirahia mutariri wavo.
43Vakabayira zvibayiro zvikuru nezuva iro, vakafara; nokuti Mwari akanga avafadza nomufaro mukuru; navakadziwo navana vakafara; naizvozvo mufaro weJerusaremu wakanzwika kure.
44Pazuva iro varume vakagadzwa kutarira makamuri efuma, nezvipiriso zvinotsaurwa, nezvitsva, nezvegumi, kuti vaunganidziremo migove yavapirisiti neyavaRevhi yakanga yakatarwa nomurau, kuti itorwe paruwa rwamaguta; nokuti vaJudha vakafarira vapirisiti navaRevhi vaishumira.
45Ivo vakachengeta murayiro waMwari wavo, nomurayiro wokunatsa, navaimbi navarindi vemikovawo saizvozvo, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi naSoromoni, mwanakomana wake.
46Nokuti pamazuva akare aDhavhidhi naAsafi, kwaiva nomukuru wavaimbi, nenziyo dzokurumbidza nokuvonga Mwari.
47Zvino vaIsiraeri vose pamazuva aZerubhabheri, napamazuva aNehemiya, vaipa vaimbi navarindi vemikova migove yavo, yakadikanwa zuva rimwe nerimwe; ivo vaitsaurira vaRevhi, uye vaRevhi vaitsaurira vanakomana vaAroni.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.