Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati.And the LORD spake unto Moses, saying,
Uzviitire hwamanda mbiri dzesirivha; unofanira kudziita nesirivha yakapambadzirwa; idzo dzinofanira kukubatsira kudana ungano nokuraira kuti mapoka afambe.Make thee two trumpets of silver; of a whole piece shalt thou make them: that thou mayest use them for the calling of the assembly, and for the journeying of the camps.
Kana vachidziridza ungano yose inofanira kuungana kwauri pamukova wetende rokusangana.And when they shall blow with them, all the assembly shall assemble themselves to thee at the door of the tabernacle of the congregation.
Kana vachiridza imwechete, zvino machinda vari vakuru vezviuru zvavaIsiraeri vanofanira kuungana kwauri.And if they blow but with one trumpet, then the princes, which are heads of the thousands of Israel, shall gather themselves unto thee.
Kana muchiridzisa, mapoka okurutivi rwamabvazuva anofanira kusimuka, vafambe.When ye blow an alarm, then the camps that lie on the east parts shall go forward.
Kana muchiridzisa rwechipiri mapoka okurutivi rwezasi anofanira kusimuka, vafambe; vanofanira kuridzisa kana vofamba nzendo.When ye blow an alarm the second time, then the camps that lie on the south side shall take their journey: they shall blow an alarm for their journeys.
Asi kana ungano ichifanira kuunganidzwa, munofanira kuridza, asi musaridzisa.But when the congregation is to be gathered together, ye shall blow, but ye shall not sound an alarm.
Vanakomana vaAroni, vapirisiti, ndivo vanofanira kuridza hwamanda; ngazvive tsika kwamuri nokusingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.And the sons of Aaron, the priests, shall blow with the trumpets; and they shall be to you for an ordinance for ever throughout your generations.
Kana muchindorwa munyika yenyu nomuvengi anokumanikidzai, munofanira kuridzisa nehwamanda; ipapo mucharangarirwa pamberi paJehovha Mwari wenyu, mugoponeswa pavavengi venyu.And if ye go to war in your land against the enemy that oppresseth you, then ye shall blow an alarm with the trumpets; and ye shall be remembered before the LORD your God, and ye shall be saved from your enemies.
Uye nomusi wamunofara nawo, napamitambo yenyu yakatarwa napakutanga kwemwedzi yenyu, munofanira kuridza hwamanda pamusoro pezvipiriso zvenyu zvinopiswa, napamusoro pezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, kuti Jehovha akurangarirei nazvo; ndini Jehovha Mwari wenyu.Also in the day of your gladness, and in your solemn days, and in the beginnings of your months, ye shall blow with the trumpets over your burnt offerings, and over the sacrifices of your peace offerings; that they may be to you for a memorial before your God: I am the LORD your God.
Zvino negore rechipiri, nomwedzi wechipiri, nezuva ramakumi maviri romwedzi, gore rakasimudzwa pamusoro petabhenakeri yechipupuriro.And it came to pass on the twentieth day of the second month, in the second year, that the cloud was taken up from off the tabernacle of the testimony.
Ipapo vana vaIsiraeri vakasimuka murenje reSinai, kuzofamba nzendo dzavo; gore rikandomira murenje reParani.And the children of Israel took their journeys out of the wilderness of Sinai; and the cloud rested in the wilderness of Paran.
Vakatanga kufamba sezvavakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.And they first took their journey according to the commandment of the LORD by the hand of Moses.
Pakutanga mureza weboka ravana vaJudha wakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naNashoni, mwanakomana waAminadhabhu.In the first place went the standard of the camp of the children of Judah according to their armies: and over his host was Nahshon the son of Amminadab.
Boka rorudzi rwavana vaIsakari rakanga richirairwa naNetaneri, mwanakomana waZuari.And over the host of the tribe of the children of Issachar was Nethaneel the son of Zuar.
Boka rorudzi rwaZebhuruni rakanga richirairwa naEriabhu, mwanakomana waHeroni.And over the host of the tribe of the children of Zebulun was Eliab the son of Helon.
Zvino tabhenakeri yakabviswa, vanakomana vaGeshoni navanakomana vaMerari, vatakuri vetabhenakeri, vakasimuka.And the tabernacle was taken down; and the sons of Gershon and the sons of Merari set forward, bearing the tabernacle.
Zvino mureza weboka raRubheni wakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naErizuri, mwanakomana waShedheuri.And the standard of the camp of Reuben set forward according to their armies: and over his host was Elizur the son of Shedeur.
Boka rorudzi rwavana vaSimiyoni rakanga richirairwa naSherumieri, mwanakomana waZurishadhai.And over the host of the tribe of the children of Simeon was Shelumiel the son of Zurishaddai.
Boka rorudzi rwavana vaGadhi rakanga richirairwa naEriasafi, mwanakomana waDheueri.And over the host of the tribe of the children of Gad was Eliasaph the son of Deuel.
Zvino vaKohati vakasimuka, vakatakura imba tsvene; vamwe vakamisa tabhenakeri ivo vachigere kusvika.And the Kohathites set forward, bearing the sanctuary: and the other did set up the tabernacle against they came.
Zvino mureza weboka ravana vaEfuremu wakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naErishama, mwanakomana waAmihudhi.And the standard of the camp of the children of Ephraim set forward according to their armies: and over his host was Elishama the son of Ammihud.
Boka rorudzi rwavana vaManase rakanga richirairwa naGamarieri, mwanakomana waPedhazuri.And over the host of the tribe of the children of Manasseh was Gamaliel the son of Pedahzur.
Boka rorudzi rwavana vaBhenjamini rakanga richirairwa naAbhidhani, mwanakomana waGidheoni.And over the host of the tribe of the children of Benjamin was Abidan the son of Gideoni.
Ipapo mureza weboka ravana vaDhani, ndivo vokupedzisira pamapoka ose, vakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naAhiezeri, mwanakomana waAmishadhai.And the standard of the camp of the children of Dan set forward, which was the rereward of all the camps throughout their hosts: and over his host was Ahiezer the son of Ammishaddai.
Boka rorudzi rwavana vaAsheri rakanga richirairwa naPagieri, mwanakomana waOkiraniAnd over the host of the tribe of the children of Asher was Pagiel the son of Ocran.
boka rorudzi rwavana vaNafutari rakanga richirairwa naAhira,mwanakomana waEnaniAnd over the host of the tribe of the children of Naphtali was Ahira the son of Enan.
Ndiko kufamba kwavana VaIsiraeri namapoka avo vakasimuka.Thus were the journeyings of the children of Israel according to their armies, when they set forward.
Zvino Mozisi akati kuna Hobhabhu, mwanakomana waReueri, muMidhiani, mukarahwa waMozisi, Toenda kunzvimbo iyo yakanzi naJehovha, ndichakupai iyo; endai nesu, tigokuitirai zvakanaka, nokuti Jehovha akataura zvakanaka pamusoro pavaIsiraeri.And Moses said unto Hobab, the son of Raguel the Midianite, Moses’ father in law, We are journeying unto the place of which the LORD said, I will give it you: come thou with us, and we will do thee good: for the LORD hath spoken good concerning Israel.
Iye akati kwaari, Handingaendi, asi ndichaenda hangu kunyika yangu nokuhama dzangu.And he said unto him, I will not go; but I will depart to mine own land, and to my kindred.
Iye akati, Ndinonyengetera kuti murege henyu kutisiya, zvamunoziva mudzikirwe wamatende edu murenje, muchava meso edu.And he said, Leave us not, I pray thee; forasmuch as thou knowest how we are to encamp in the wilderness, and thou mayest be to us instead of eyes.
Kana mukaenda nesu, kana Jehovha akatiitira zvakanaka zvipi nezvipi, tichakuitirai izvozvowo.And it shall be, if thou go with us, yea, it shall be, that what goodness the LORD shall do unto us, the same will we do unto thee.
Zvino vakasimuka pagomo raJehovha, vakafamba mazuva matatu; areka yesungano yaJehovha ikavatungamirira mazuva matatu, kuvatsvakira pokuzorora.And they departed from the mount of the LORD three days’ journey: and the ark of the covenant of the LORD went before them in the three days’ journey, to search out a resting place for them.
Gore raJehovha rikava pamusoro pavo masikati pakusimuka kwavo pamisasa.And the cloud of the LORD was upon them by day, when they went out of the camp.
Zvino areka yakati yasimuka, Mozisi akati, Simukai Jehovha, vavengi venyu ngavaparadzwe; navanokuvengai ngavatize pamberi penyu.And it came to pass, when the ark set forward, that Moses said, Rise up, LORD, and let thine enemies be scattered; and let them that hate thee flee before thee.
Zvino pakuzorora kwayo, akati, Dzokai Jehovha, kuzviuru zvine gumi nezviuru zvavaIsiraeri.And when it rested, he said, Return, O LORD, unto the many thousands of Israel.