Zvino ungano yose yakachema zvikuru; vanhu vakachema usiku ihwohwo.And all the congregation lifted up their voice, and cried; and the people wept that night.
Vana vaIsiraeri vose vakapo potera Mozisi naAroni, ungano yose ikati kwavari, Haiwa, dai takafira hedu munyika yeIjipiti! Dai takafira hedu murenje rino!And all the children of Israel murmured against Moses and against Aaron: and the whole congregation said unto them, Would God that we had died in the land of Egypt! or would God we had died in this wilderness!
Jehovha akauyireiko nesu munyika ino, tiurawe nomunondo? Vakadzi vedu navana vedu vachatapwa. Hakuzaiva nani kuti tidzokere Ijipiti here?And wherefore hath the LORD brought us unto this land, to fall by the sword, that our wives and our children should be a prey? were it not better for us to return into Egypt?
Vakataurirana, vakati, Ngatizvitsvakire mukuru, tidzokere Ijipiti.And they said one to another, Let us make a captain, and let us return into Egypt.
Ipapo Mozisi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo pamberi peungano yose yavana vaIsiraeri.Then Moses and Aaron fell on their faces before all the assembly of the congregation of the children of Israel.
NaJoshua, mwanakomana waNuni, naKarebhu, mwanakomana waJefune, vakanga vandoshora nyika pamwechete navamwe, vakabvarura nguvo dzavo,And Joshua the son of Nun, and Caleb the son of Jephunneh, which were of them that searched the land, rent their clothes:
vakataura neungano yose yavana vaIsiraeri vakati, Nyika yatakapfuura napakati payo kuishora, inyika yakanaka kwazvo-kwazvo.And they spake unto all the company of the children of Israel, saying, The land, which we passed through to search it, is an exceeding good land.
Kana Jehovha achifara nesu, achatiisa kunyika iyo, nokutipa iyo; inyika inoyerera mukaka nouchi.If the LORD delight in us, then he will bring us into this land, and give it us; a land which floweth with milk and honey.
Asi regai kumukira Jehovha, uye musatya vanhu venyika iyo, nokuti ivo zvokudya zvedu; mumvuri wavo wabviswa pamusoro pavo, Jehovha anesu, regai kutya.Only rebel not ye against the LORD, neither fear ye the people of the land; for they are bread for us: their defence is departed from them, and the LORD is with us: fear them not.
Asi ungano yose yakati vatakwe namabwe. Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa mutende rokusangana navana vaIsiraeri vose.But all the congregation bade stone them with stones. And the glory of the LORD appeared in the tabernacle of the congregation before all the children of Israel.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Vanhu ava vachandizvidza kusvikira rinhiko? Vacharamba kunditenda ini kusvikira rinhiko, nezvishamiso zvose zvandakaita pakati pavo?And the LORD said unto Moses, How long will this people provoke me? and how long will it be ere they believe me, for all the signs which I have shewed among them?
Ndichavarova nedenda, nokuvatorera nhaka yavo, ndikuite iwe rudzi runovakunda ivo noukuru nesimba.I will smite them with the pestilence, and disinherit them, and will make of thee a greater nation and mightier than they.
Mozisi akati kuna Jehovha, VaIjipiti vachazvinzwa, nokuti makabudisa vanhu ava pakati pavo nesimba renyu;And Moses said unto the LORD, Then the Egyptians shall hear it, (for thou broughtest up this people in thy might from among them;)
vachaudza vanhu vagere munyika ino izvozvo; ivo vakanzwa kuti imwi Jehovha muri pakati pavanhu ava, nokuti imwi Jehovha munoonekwa navo pachena, gore renyu rinomira pamusoro pavo, nemi munovatungamirira masikati neshongwe yegore, nousiku neshongwe yomoto.And they will tell it to the inhabitants of this land: for they have heard that thou LORD art among this people, that thou LORD art seen face to face, and that thy cloud standeth over them, and that thou goest before them, by daytime in a pillar of a cloud, and in a pillar of fire by night.
Zvino kana mukauraya vanhu ava vose-vose, ndudzi dzavanhu, dzakanzwa mukurumbira wenyu, dzichataura, dzichiti,Now if thou shalt kill all this people as one man, then the nations which have heard the fame of thee will speak, saying,
Jehovha akanga asingagoni kuisa vanhu ava kunyika yaakanga avapikira, saka akavauraya murenje.'Because the LORD was not able to bring this people into the land which he sware unto them, therefore he hath slain them in the wilderness.
Zvino ndinokumbira kuti simba raShe wangu rive guru, sezvamakataura, muchiti,And now, I beseech thee, let the power of my Lord be great, according as thou hast spoken, saying,
Jehovha anononoka kutsamwa, ane nyasha huru, anokanganwira zvakaipa nokudarika; haangatongopembedzi munhu ane mhosva; anorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.The LORD is longsuffering, and of great mercy, forgiving iniquity and transgression, and by no means clearing the guilty, visiting the iniquity of the fathers upon the children unto the third and fourth generation.
Ndinokumbira kuti mukanganwire henyu zvakaipa zvavanhu ava noukuru hwenyasha dzenyu, uye sezvamakakanganwira vanhu ava kubva Ijipiti kusvikira zvino.Pardon, I beseech thee, the iniquity of this people according unto the greatness of thy mercy, and as thou hast forgiven this people, from Egypt even until now.
Ipapo Jehovha akati, Ndakanganwira sezvawakumbira.And the LORD said, I have pardoned according to thy word:
Asi zvirokwazvo, noupenyu hwangu, uye nyika yose zvaichazara nokubwinya kwaJehovha,But as truly as I live, all the earth shall be filled with the glory of the LORD.
varume ava vose vakaona kubwinya kwangu nezviratidzo zvangu, zvandakaita muIjipiti nomurenje, vakandiidza zvino rune gumi, vasingateereri inzwi rangu,Because all those men which have seen my glory, and my miracles, which I did in Egypt and in the wilderness, and have tempted me now these ten times, and have not hearkened to my voice;
zvirokwazvo, havangaoni nyika yandakapikira madzibaba avo; hakuna mumwe wavakandizvidza achaiona,Surely they shall not see the land which I sware unto their fathers, neither shall any of them that provoked me see it:
asi muranda wangu Karebhu, nokuti akanga ano mumwe mweya mukati make, akanditevera nomoyo wose, ndiye andichapinza munyika maakambopinda; ichava yavana vake.But my servant Caleb, because he had another spirit with him, and hath followed me fully, him will I bring into the land whereinto he went; and his seed shall possess it.
Zvino vaAmareki navaKenani vaigara mumupata uyo; mangwana dzokai, muende kurenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku.(Now the Amalekites and the Canaanites dwelt in the valley.) To morrow turn you, and get you into the wilderness by the way of the Red sea.
Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni, akati,And the LORD spake unto Moses and unto Aaron, saying,
Ungano iyi yakaipa icharamba ichindinyunyutira kusvikira rinhiko? Ndakanzwa kunyunyuta kwavana vaIsiraeri, kwavanondinyunyutira nako.How long shall I bear with this evil congregation, which murmur against me? I have heard the murmurings of the children of Israel, which they murmur against me.
Uti kwavari, zvanzi naJehovha, `Zvirokwazvo, noupenyu hwangu, sezvamakataura munzeve dzangu, ndizvo zvandichakuitirai.'Say unto them, As truly as I live, saith the LORD, as ye have spoken in mine ears, so will I do to you:
Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino; imwi mose makaverengwa, nokuwanda kwenyu kwose, vose vana makore makumi maviri navanopfuura, vakandinyunyutira,Your carcases shall fall in this wilderness; and all that were numbered of you, according to your whole number, from twenty years old and upward, which have murmured against me,
zvirokwazvo, imwi hamungapindi munyika yandakupikirai, ndichiti, ndichakugarisaimo, asi Karebhu, mwanakomana waJefune, naJoshua, mwanakomana waNuni.Doubtless ye shall not come into the land, concerning which I sware to make you dwell therein, save Caleb the son of Jephunneh, and Joshua the son of Nun.
Asi vana venyu vamakati vachatapwa, ndivo vandichapinza; ivo vachaziva nyika yamakaramba imwi.But your little ones, which ye said should be a prey, them will I bring in, and they shall know the land which ye have despised.
Asi kana murimwi, zvitunha zvenyu zvichawira murenje, rino.But as for you, your carcases, they shall fall in this wilderness.
Vana venyu vachadzungaira savafudzi murenje makore ana makumi mana, vachirohwa nokuda kwokupata kwenyu, kusvikira zvitunha zvenyu zvaparadzwa murenje.And your children shall wander in the wilderness forty years, and bear your whoredoms, until your carcases be wasted in the wilderness.
Samazuva amakanga muchishora nyika nawo, iwo mazuva ana makumi mana, saizvozvo muchava nemhosva yokutadza kwenyu, zuva rimwe nerimwe richaita gore rimwe, ndiwo makore ana makumi mana, mugoziva kuti ndakakufuratirai.After the number of the days in which ye searched the land, even forty days, each day for a year, shall ye bear your iniquities, even forty years, and ye shall know my breach of promise.
Ini Jehovha, ndakataura izvozvo, ndichaitira saizvozvo ungano iyi yose yakaipa, yakaungana kuzorwa neni; vachaparadzwa murenje rino, vachafirapo.I the LORD have said, I will surely do it unto all this evil congregation, that are gathered together against me: in this wilderness they shall be consumed, and there they shall die.
Zvino varume vakanga vatumwa naMozisi vaya kundoshora nyika, vaya vakadzoka vonyunyutisa ungano yose pamusoro pake, zvavakauya namashoko akaipa pamusoro penyika iyo,And the men, which Moses sent to search the land, who returned, and made all the congregation to murmur against him, by bringing up a slander upon the land,
varume avo vakanga vauya neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, vakafa nedenda pamberi paJehovha.Even those men that did bring up the evil report upon the land, died by the plague before the LORD.
Asi Joshua, mwanakomana waNuni, naKarebhu, mwanakomana waJefune, vakasara vari vapenyu pavarume vaya vakandoshora nyika.But Joshua the son of Nun, and Caleb the son of Jephunneh, which were of the men that went to search the land, lived still.
Zvino Mozisi wakaudza vana vaIsiraeri mashoko iwaya ose; vanhu vakachema kwazvo;And Moses told these sayings unto all the children of Israel: and the people mourned greatly.
vakafumira mangwanani, vakakwira kumusoro wegomo, vakati, Tarirai, tiri pano hedu, tichandokwira kwatakarairwa naJehovha, nokuti tatadza.And they rose up early in the morning, and gat them up into the top of the mountain, saying, Lo, we be here, and will go up unto the place which the LORD hath promised: for we have sinned.
Mozisi akati, Munodarikireiko murayiro waJehovha, nokuti muchaona nhamo.And Moses said, Wherefore now do ye transgress the commandment of the LORD? but it shall not prosper.
Musakwira, nokuti Jehovha haazi pakati penyu; kuti murege kuparadzwa navavengi venyu.Go not up, for the LORD is not among you; that ye be not smitten before your enemies.
Nokuti vaAmareki navaKenani vari mberi kwenyu ipapo; muchaurawa nomunondo, nokuti makadzoka pakutevera Jehovha, naizvozvo Jehovha haangavi nemi.For the Amalekites and the Canaanites are there before you, and ye shall fall by the sword: because ye are turned away from the LORD, therefore the LORD will not be with you.
Kunyange zvakadaro vakaidza havo kukwira kumusoro wegomo nokuzvikudza kwavo; asi areka yesungano yaJehovha haina kubva pamisasa, naiye Mozisiwo.But they presumed to go up unto the hill top: nevertheless the ark of the covenant of the LORD, and Moses, departed not out of the camp.
Ipapo vaAmareki navaKenani vakanga vagere mugomo iro vakaburuka, vakavaparadza nokuvadzingirira kusvikira paHoma.Then the Amalekites came down, and the Canaanites which dwelt in that hill, and smote them, and discomfited them, even unto Hormah.