Bhaibheri

Revhitiko 14

Leviticus 14 · 57 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,

2Ndiwo murayiro womunhu una maperembudzi nomusi wokunatswa kwake: Unofanira kuiswa kumupirisiti;

3zvino mupirisiti anofanira kubuda kunze kwemisasa, mupirisiti ugocherekedza munhu uyu; kana akaona kuti hosha yamaperembudzi yapora hayo kumunhu una maperembudzi;

4mupirisiti anofanira kuraira kuti unoda kunatswa atorerwe shiri mbiri mhenyu dzakanaka, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi.

5Zvino mupirisiti araire kuti shiri imwe iurawe muhari yevhu, pamusoro pemvura inoyerera.

6Zvino anofanira kutora shiri mhenyu, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, ndokuzvinyika pamwechete neshiri mhenyu muropa reshiri yakaurawa pamusoro pemvura inoyerera.

7Zvino anofanira kurisasa kanomwe pamusoro pomunhu unoda kunatswa pamaperembudzi ake, ndokureva kuti wakanaka; ipapo woregedza shiri mhenyu, iende hayo kusango.

8Zvino munhu unoda kunatswa anofanira kusuka nguvo dzake, nokuveura vhudzi rake rose, ndokushamba mumvura, agova wakanaka; pashure anofanira kupinda mukati memisasa, asi ngaagare kunze kwetende mazuva manomwe.

9Nomusi wechinomwe anofanira kuveura vhudzi rake rose romusoro wake, nendebvu dzake, netsiye dzake, aveure vhudzi rake rose; zvino ngaasuke nguvo dzake, ndokushamba muviri wake, agova wakanaka.

10Nomusi worusere anofanira kutora makwayana maviri amakondohwe, asina mhosva, negwayana rimwe resheche rine gore rimwe, risina mhosva, nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nerogi imwe yamafuta.

11Zvino mupirisiti, unomunatsa, anofanira kuisa munhu unoda kunatswa pamberi paJehovha, pamwechete nezvinhu izvi, pamukova wetende rokusangana;

12mupirisiti ndokutora rimwe ramakwayana amakondohwe, ndokuribayira, chive chipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, agozvizunguzira, chive chipiriso chokuzunguzira pamberi paJehovha;

13zvino anofanira kuuraya gwayana regondohwe pavanourayira chipiriso chezvivi nechipiriso chinopiswa panzvimbo tsvene; nokuti chipiriso chemhosva ndechomupirisiti sechipiriso chezvivi; chitsvene kwazvo.

14Ipapo mupirisiti anofanira kutora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, mupirisiti agoriisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi;

15zvino mupirisiti anofanira kutora mamwe mafuta erogi, ndokuadira muchanza choruoko rwake rworuboshwe;

16zvino mupirisiti ngaanyike mutendeka wake worudyi mumafuta ari muruoko rwake rworuboshwe, asase mamwe mafuta nomunwe wake kanomwe pamberi paJehovha;

17mamwe mafuta akasara muruoko rwake mupirisiti anofanira kuaisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, pamusoro peropa rechipiriso chemhosva;

18mamwe mafuta akasara muruoko rwomupirisiti anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa; kuti mupirisiti amuyananisire pamberi paJehovha.

19mupirisiti anofanira kupisa chipiriso chezvivi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuda kwokusanaka kwake; pashure anofanira kuuraya chipiriso chinopiswa;

20mupirisiti anofanira kupisa chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu pamusoro pearitari, kuti mupirisiti amuyananisire, anake.

21Kana ari murombo, asingagoni kuwana zvizhinji zvakadai, anofanira kutora gwayana rimwe regondohwe, chive chipiriso chemhosva chokuzunguzira, kumuyananisira, nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu, pamwechete nerogi yamafuta;

22nenjiva mbiri, notwana tuviri twenjiva, sezvaanogona kuwana; imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chive chipiriso chinopiswa;

23nomusi worusere anofanira kuuya nazvo kumupirisiti pamusoro pokunatswa kwake, kumukova wetende rokusangana pamberi paJehovha.

24Zvino mupirisiti anofanira kutora gwayana rechipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, mupirisiti agozvizunguzira, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha;

25zvino ngaauraye gwayana rechipiriso chemhosva, agotora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, ariise pamucheto wenzeve yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi;

26zvino mupirisiti ngaadire mamwe mafuta muchanza choruoko rwake rworuboshwe;

27mupirisiti agosasa nomutendeka wake worudyi mamwe mafuta ari muruoko rwake rworuboshwe kanomwe pamberi paJehovha.

28Zvino mupirisiti ngaaise mamwe mafuta ari muruoko rwake pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, panzvimbo yeropa rechipiriso chemhosva.

29Mamwe mafuta akasara muruoko rwomupirisiti anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa, kuti amuyananisire pamberi paJehovha.

30Zvino anofanira kubayira njiva imwe, kana kana kenjiva, sezvaanogona kuwana;

31sezvaanogona kuwana, imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chipiriso chinopiswa, pamwechete nechipiriso choupfu; kuti mupirisiti ayananisire munhu unonatswa pamberi paJehovha.

32Ndiwo murayiro wehosha yamaperembudzi kumunhu usingagoni kuwana zvakakwanisira kunatswa kwake.

33Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni akati,

34Kana masvika kunyika yeKanani, iyo yandakupai, kuti ive yenyu, kana ndikaisa hosha yamaperembudzi muimba yenyika yenyu;

35muridzi weimba anofanira kuuya kuzoudza mupirisiti, achiti, `Ndinoona kuti imba yangu inenge ine hosha.'

36Ipapo mupirisiti anofanira kuraira kuti vabudise zvose zviri mumba, iye mupirisiti asina kupinda kundotarira hosha, kuti zvose zviri mumba zvirege kusvibiswa; pashure mupirisiti apinde kundotarira imba iyo.

37Zvino ngaacherekedze hosha; kana akaona kuti hosha iri mumadziro eimba; ina mavara akapinda, akaita samatema kana matsvuku, akaita saakapinda mukati mamadziro,

38mupirisiti anofanira kubuda paimba, ndokuenda kumukova weimba, ndokupfiga imba mazuva manomwe;

39zvino mupirisiti anofanira kudzokazve nezuva rechinomwe, kuti acherekedze; kana akaona kuti hosha yakapararira pamadziro eimba;

40mupirisiti anofanira kuraira kuti vabvise mabwe ane hosha paari, vaakandire panzvimbo isina kunaka kunze kweguta;

41ipapo ngaaraire kuti imba iparwe mukati mayo kunhivi dzose, mavhu avanopara agodururirwa kunze kweguta panzvimbo isina kunaka;

42zvino mamwe mabwe atorwe, aiswe panzvimbo yamamwe iwayo, iye atore aumbe imba naro.

43Kana hosha ikadzokazve, ikabuda muimba iyo, mabwe ambobviswa, imba yaparwa nokuuyiwa,

44mupirisiti anofanira kupinda nokucherekedza; kana akaona kuti hosha yapararira mumba, ndiwo maperembudzi akaipa kwazvo, yava yakaipa.

45Zvino anofanira kuputsa imba, namabwe ayo, namatanda ayo, nevhu rose reimba, ndokuzvitakurira kunze kweguta kunzvimbo isina kunaka.

46Uye ani naani unopinda mumba panguva yose yokupfigwa kwayo uchava usina kunaka kusvikira madeko.

47Munhu wakavata muimba iyo, anofanira kusuka nguvo dzake.

48Kana mupirisiti akapinda, akatarira, akaona kuti hosha haina kupararira mumba, kubva pakuuyiwa kweimba, mupirisiti anofanira kureva kuti imba yakanaka, nokuti hosha yapora.

49Zvino anofanira kutora shiri mbiri, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, kuti anatse imba;

50ipapo ngaauraye shiri imwe muhari yevhu pamusoro pemvura inoyerera,

51ndokutora danda romusidhari, nehisopi, nomucheka mutsvuku, neshiri mhenyu, azvinyike muropa reshiri yakaurawa uye mumvura inoyerera, ndokusasa imba kanomwe;

52anofanira kunatsa imba neropa reshiri nemvura inoyerera neshiri mhenyu, nedanda romusidhari, nehisopi nomucheka mutsvuku;

53asi shiri mhenyu anofanira kuiregedza kuti iende hayo kunze kweguta kusango; saizvozvo anofanira kuyananisira imba iyo, kuti ive yakanaka.

54Ndiwo murayiro wamarudzi ose wamaperembudzi napakafunuka;

55nowamaperembudzi enguvo, neeimba,

56nowapakazvimba, nowapakafunuka, nowechivara,

57kuzivisa mupirisiti kana chinhu chisina kunaka kana chakanaka. Ndiwo murayiro wamaperembudzi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.