Bhaibheri

Revhitiko 17

Leviticus 17 · 16 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,

2Taura naAroni navanakomana vake navana vaIsiraeri vose, uti kwavari, `Ndiro shoko rakarairwa naJehovha:

3Munhu upi noupi kuna veimba yaIsiraeri unouraya nzombe, kana gwayana, kana mbudzi, mukati memisasa, kana unozviuraya kunze kwemisasa,

4asina kuzviisa pamukova wetende rokusangana, kuzviisa pamberi petabhenakeri yaJehovha kuti chive chipo kuna Jehovha, munhu uyu anofanira kubviswa pakati porudzi rwake;

5kuti vana vaIsiraeri vauye nezvibayiro zvavo zvavanobayira kusango, vauye nazvo kuna Jehovha kumukova wetende rokusangana kumupirisiti, kuti vazvibayire Jehovha, zvive zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisira.'

6Zvino mupirisiti ngaasase ropa razvo paaritari yaJehovha, pamukova wetende rokusangana; apisewo mafuta, kuti zvinhuwire zvakanaka pamberi paJehovha.

7Havafaniri kuzobayira nhongo zvibayiro zvavo, idzo dzavaitevera pakupata kwavo. Uyo unofanira kuva murayiro usingaperi kwavari kusvikira kumarudzi avo ose.

8Iwe unofanira kuti kwavari, `Munhu upi noupi waveimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere pakati pavo, unopisira chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro,

9asingauyi nacho kumukova wetende rokusangana, kuti achibayire Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.'

10Munhu upi noupi waveimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere pakati pavo, unodya ropa ripi neripi, ndichatonga munhu uyo unodya ropa, ndimubvise pakati porudzi rwake.

11Nokuti upenyu hwenyama huri muropa; ndakakupai iro paaritari, kuti riyananisire mweya yenyu; nokuti iropa rinoyananisira nokuda kwoupenyu hurimo.

12Naizvozvo ndakati kuvana vaIsiraeri, `Kurege kuva nomumwe wenyu uchadya ropa, kana mutorwa upi noupi ugere pakati penyu, ngaarege kudya ropa.'

13Munhu upi noupi kuvana vaIsiraeri, kana kuvatorwa vagere pakati pavo, wakabata pakuvhima kwake mhuka ipi neipi kana shiri inodyiwa, anofanira kudurura ropa rayo, ndokurifukidza neguruva.

14Nokuti kana huri upenyu hwenyama yose, ropa razvo ndihwo upenyu hwazvo, naizvozvo ndakati kuvana vaIsiraeri, `Regai kudya ropa razvo; ani naani unoridya anofanira kubviswa:

15Munhu upi noupi unodya chinhu chakangofa choga, kana chakaurawa nezvikara, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa, anofanira kusuka nguvo dzake, nokuzvishambidza nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko; ipapo uchazova wakanaka.

16Asi kana asingadzisuki, kana kushambidza muviri wake, uchafanira' kuva nemhosva yake.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.