Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,And the LORD spake unto Moses, saying,
Taura neungano yose yavana vaIsiraeri, uti kwavari, `Ivai vatsvene, nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene.Speak unto all the congregation of the children of Israel, and say unto them, Ye shall be holy: for I the LORD your God am holy.
Mumwe nomumwe wenyu anofanira kutya mai vake nababa vake, uye munofanira kuchengeta maSabata angu; ndini Jehovha Mwari wenyu.Ye shall fear every man his mother, and his father, and keep my sabbaths: I am the LORD your God.
`Musava nehanya nezvifananidzo, kana kuzviitira vamwari vakaumbwa; ndini Jehovha Mwari wenyu.Turn ye not unto idols, nor make to yourselves molten gods: I am the LORD your God.
`Kana muchipa Jehovha chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, munofanira kuchipa kuti mugamuchirwe.And if ye offer a sacrifice of peace offerings unto the LORD, ye shall offer it at your own will.
Chinofanira kudyiwa nomusi wamunochipa nawo, uye nomusi unotevera; kana zvimwe zvikasara kusvikira pazuva retatu, zvinofanira kupiswa nomoto.It shall be eaten the same day ye offer it, and on the morrow: and if ought remain until the third day, it shall be burnt in the fire.
Kana chikatongodyiwa nezuva retatu, zvinonyangadza; hachigamuchirwi.And if it be eaten at all on the third day, it is abominable; it shall not be accepted.
Asi mumwe nomumwe unochidya, uchava nemhosva, nokuti wamhura chinhu chitsvene chaJehovha; munhu uyu anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.'Therefore every one that eateth it shall bear his iniquity, because he hath profaned the hallowed thing of the LORD: and that soul shall be cut off from among his people.
Kana muchikohwa gohwo reminda yenyu, rega kukohwa micheto yomunda wako, uye usaunganidza zvawira pasi pakukohwa kwako.And when ye reap the harvest of your land, thou shalt not wholly reap the corners of thy field, neither shalt thou gather the gleanings of thy harvest.
Usakohwa zvose pamunda wako wemizambiringa, uye usaunganidza michero yawira pasi yomunda wako wemizambiringa; unofanira kuzvisiyira varombo navaeni; ndini Jehovha Mwari wenyu.And thou shalt not glean thy vineyard, neither shalt thou gather every grape of thy vineyard; thou shalt leave them for the poor and stranger: I am the LORD your God.
Musaba, musanyengera, musareverana nhema.Ye shall not steal, neither deal falsely, neither lie one to another.
Musapika nhema nezita rangu, kuti usamhura zita raMwari wako; ndini Jehovha.And ye shall not swear by my name falsely, neither shalt thou profane the name of thy God: I am the LORD.
Usamanikidza wokwako, kana kumutorera; haufaniri kugara usiku hwose kusvikira mangwana nomubayiro womuranda unokubatira.Thou shalt not defraud thy neighbour, neither rob him: the wages of him that is hired shall not abide with thee all night until the morning.
Usatuka matsi, kana kupinganidza bofu, asi unofanira kutya Mwari wako; ndini Jehovha.Thou shalt not curse the deaf, nor put a stumblingblock before the blind, but shalt fear thy God: I am the LORD.
Musaita zvisakarurama pakutonga; usatsaura murombo, kana kukudza une simba; asi unofanira kutonga wokwako nokururama.Ye shall do no unrighteousness in judgment: thou shalt not respect the person of the poor, nor honour the person of the mighty: but in righteousness shalt thou judge thy neighbour.
Usafamba-famba pakati pavanhu vokwako, uchivachera; usapupurira ropa rowokwako; ndini Jehovha.Thou shalt not go up and down as a talebearer among thy people: neither shalt thou stand against the blood of thy neighbour: I am the LORD.
Usavenga hama yako mumoyo mako; unofanira kuraira wokwako kwazvo, kuti urege kuva nezvivi nokuda kwake.Thou shalt not hate thy brother in thine heart: thou shalt in any wise rebuke thy neighbour, and not suffer sin upon him.
Usatsiva, kana kugara wakatsamwira vana vavanhu vokwako, asi unofanira kuda wokwako sezvaunozvida iwe; ndini Jehovha.Thou shalt not avenge, nor bear any grudge against the children of thy people, but thou shalt love thy neighbour as thyself: I am the LORD.
Chengetai mitemo yangu. Usaberekesa zvipfuwo zvako norumwe rudzi; usadzvara mbeu dzamarudzi maviri mumunda mako; usafuka nguvo yakarukwa nezvinhu zvamarudzi maviri.Ye shall keep my statutes. Thou shalt not let thy cattle gender with a diverse kind: thou shalt not sow thy field with mingled seed: neither shall a garment mingled of linen and woollen come upon thee.
Ani naani unovata nomukadzi ari murandakadzi, wakanyengwa nomurume, asina kudzikunurwa kwazvo, kana kusunungurwa, vanofanira kurohwa; asi havafaniri kuurawa, nokuti wakanga asina kusunungurwa.And whosoever lieth carnally with a woman, that is a bondmaid, betrothed to an husband, and not at all redeemed, nor freedom given her; she shall be scourged; they shall not be put to death, because she was not free.
Ngaauye nechipiriso chemhosva kuna Jehovha pamukova wetende rokusangana, rive gondohwe rechipiriso chemhosva.And he shall bring his trespass offering unto the LORD, unto the door of the tabernacle of the congregation, even a ram for a trespass offering.
Zvino mupirisiti anofanira kumuyananisira negondohwe rechipiriso chemhosva pamberi paJehovha pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza; ipapo uchakanganwirwa zvivi zvake zvaakatadza.And the priest shall make an atonement for him with the ram of the trespass offering before the LORD for his sin which he hath done: and the sin which he hath done shall be forgiven him.
Kana muchisvika munyika, mukasima miti yamarudzi ose anodyiwa, munofanira kuti michero yayo yakaita seisina kudzingiswa; makore matatu ichava kwamuri seisina kudzingiswa; haifaniri kudyiwa.And when ye shall come into the land, and shall have planted all manner of trees for food, then ye shall count the fruit thereof as uncircumcised: three years shall it be as uncircumcised unto you: it shall not be eaten of.
Asi negore rechina michero yayo yose ichava mitsvene, kuti murumbidze Jehovha nazvo.But in the fourth year all the fruit thereof shall be holy to praise the LORD withal.
Negore rechishanu mungadya michero yayo; ndini Jehovha Mwari wenyu.And in the fifth year shall ye eat of the fruit thereof, that it may yield unto you the increase thereof: I am the LORD your God.
Musadya chinhu chine ropa racho; musaita mazango, kana kutenda mashura.Ye shall not eat any thing with the blood: neither shall ye use enchantment, nor observe times.
Musaveura misoro yenyu muchiita matendeure, uye musashatisa nhivi dzendebvu dzenyu.Ye shall not round the corners of your heads, neither shalt thou mar the corners of thy beard.
Musazvicheka miviri yenyu nokuda kwavakafa, kana kuzvitema nyora; ndini Jehovha.Ye shall not make any cuttings in your flesh for the dead, nor print any marks upon you: I am the LORD.
Usaisa mwanasikana wako, uchimuita chifeve; kuti nyika irege kupata, nyika izare nezvakaipa.Do not prostitute thy daughter, to cause her to be a whore; lest the land fall to whoredom, and the land become full of wickedness.
Chengetai maSabata angu, nokutya imba yangu tsvene; ndini Jehovha.Ye shall keep my sabbaths, and reverence my sanctuary: I am the LORD.
Musava nehanya namasvikiro, kana musvibiswe navo; ndini Jehovha Mwari wenyu.Regard not them that have familiar spirits, neither seek after wizards, to be defiled by them: I am the LORD your God.
Unofanira kusimukira wachena vhudzi, nokukudza mutana, uye utye Mwari wako; ndini Jehovha.Thou shalt rise up before the hoary head, and honour the face of the old man, and fear thy God: I am the LORD.
Kana mutorwa agere newe panyika yenyu, usamuitira zvakaipa.And if a stranger sojourn with thee in your land, ye shall not vex him.
Mutorwa ugere nemi ngaave kwamuri somunhu wakaberekerwa pakati penyu, unofanira kumuda sezvaunozvida iwe, nokuti nemiwo makanga muri vatorwa munyika yeIjipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu.But the stranger that dwelleth with you shall be unto you as one born among you, and thou shalt love him as thyself; for ye were strangers in the land of Egypt: I am the LORD your God.
Musaita zvisina kururama pakutonga, kana pakuyera nechitanda, kana pakuyera kurema, kana pachiyero.Ye shall do no unrighteousness in judgment, in meteyard, in weight, or in measure.
Ivai nezviyero zvakarurama, nezvokuenzanisa nazvo zvakarurama, neefa yakarurama, nehini yakarurama; ndini Jehovha Mwari wenyu wakakubudisai munyikayeIjipitiJust balances, just weights, a just ephah, and a just hin, shall ye have: I am the LORD your God, which brought you out of the land of Egypt.
Chengetai mitemo yangu yose, nezvandakatonga zvose, kuti muzviite; ndini Jehovha.Therefore shall ye observe all my statutes, and all my judgments, and do them: I am the LORD.