Zvino Jehovha wakataura naMozisi pagomo reSinai, akati,And the LORD spake unto Moses in mount Sinai, saying,
Taura navana vaIsiraeri uti kwavari, `Kana muchisvika munyika yandichakupai, nyika inofanira kuitira Jehovha Sabata.Speak unto the children of Israel, and say unto them, When ye come into the land which I give you, then shall the land keep a sabbath unto the LORD.
Unofanira kudzvara munda wako makore matanhatu, nokugurira mizambiringa yako makore matanhatu, nokuunganidza michero yayo.Six years thou shalt sow thy field, and six years thou shalt prune thy vineyard, and gather in the fruit thereof;
Asi pagore rechinomwe nyika inofanira kuzorora kwazvo, rive Sabata kuna Jehovha; usadzvara munda wako, kana kugurira mizambiringa yako.But in the seventh year shall be a sabbath of rest unto the land, a sabbath for the LORD: thou shalt neither sow thy field, nor prune thy vineyard.
Magoko ako usaakohwa, namazambiringa omuzambiringa wako usina kugurirwa usaatanha; rinofanira kuva gore rokuzorora kwazvo kwenyika.'That which groweth of its own accord of thy harvest thou shalt not reap, neither gather the grapes of thy vine undressed: for it is a year of rest unto the land.
Gohwo reSabata renyika ndizvo zvinofanira kuva zvokudya zvenyu; zvako nezvomuranda wako, nezvomurandakadzi wako, nezvomubatiri wako, nezvomutorwa wako ugere newe;And the sabbath of the land shall be meat for you; for thee, and for thy servant, and for thy maid, and for thy hired servant, and for thy stranger that sojourneth with thee,
nezvezvipfuwo zvako, nezvemhuka dziri munyika yako; zvibereko zvazvo zvose zvinofanira kuva zvokudya zvazvo.And for thy cattle, and for the beast that are in thy land, shall all the increase thereof be meat.
Unofanira kuverengawo maSabata manomwe amakore, manomwe akaverengwa kanomwe; kuti mazuva amaSabata manomwe amakore aite kwauri makore makumi mana namapfumbamwe.And thou shalt number seven sabbaths of years unto thee, seven times seven years; and the space of the seven sabbaths of years shall be unto thee forty and nine years.
Zvino pazuva regumi romwedzi wechinomwe unofanira kuraira kuti hwamanda iridzwe kwazvo; pazuva rokuyananisira munofanira kuraira kuti hwamanda iridzwe panyika yenyu yose.Then shalt thou cause the trumpet of the jubile to sound on the tenth day of the seventh month, in the day of atonement shall ye make the trumpet sound throughout all your land.
Munofanira kutsaura gore ramakumi mashanu, mugoparidza sununguko panyika yose kuna vose vageremo; rinofanira kuva gore rejubheri kwamuri; munofanira .kudzokera mumwe nomumwe kune zvake, munofanira kudzokera mumwe nomumwe kuhama dzake.And ye shall hallow the fiftieth year, and proclaim liberty throughout all the land unto all the inhabitants thereof: it shall be a jubile unto you; and ye shall return every man unto his possession, and ye shall return every man unto his family.
Gore irero ramakumi mashanu rinofanira kuva rejubheri kwamuri; kusadzvara, uye musakohwa naro magoko, uye musatanha naro mazambiringa emizambiringa isina kugurirwa.A jubile shall that fiftieth year be unto you: ye shall not sow, neither reap that which groweth of itself in it, nor gather the grapes in it of thy vine undressed.
Nokuti igore rejubheri; rinofanira kuva dzvene kwamuri; munofanira kudya zvibereko zvaro paminda.For it is the jubile; it shall be holy unto you: ye shall eat the increase thereof out of the field.
Negore iri rejubheri munofanira kudzokera mumwe nomumwe kune zvake.In the year of this jubile ye shall return every man unto his possession.
Zvino kana uchitengesera wokwako chinhu, kana kutenga chinhu kwaari, musamanikidzana.And if thou sell ought unto thy neighbour, or buyest ought of thy neighbour’s hand, ye shall not oppress one another:
Utenge kuno wokwako uchienzanisa namakore kubva pagore rejubheri, naiye unofanira kukutengesera achienzanisa namakore akasara okukohwa.According to the number of years after the jubile thou shalt buy of thy neighbour, and according unto the number of years of the fruits he shall sell unto thee:
Unofanira kuwedzera mutengo wazvo uchienzanisa nokuwanda kwamakore, uye unofanira kutapudza mutengo uchienzanisa noushoma hwamakore; nokuti iye unokutengesera nguva dzokukohwa.According to the multitude of years thou shalt increase the price thereof, and according to the fewness of years thou shalt diminish the price of it: for according to the number of the years of the fruits doth he sell unto thee.
Musamanikidzana, asi utye Mwari wako; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.Ye shall not therefore oppress one another; but thou shalt fear thy God: for I am the LORD your God.
Naizvozvo munofanira kuita zvandakatema, nokuchengeta zvandakatonga, nokuzviita, kuti mugare munyika makachengeteka.Wherefore ye shall do my statutes, and keep my judgments, and do them; and ye shall dwell in the land in safety.
Nyika ichabereka zvibereko zvayo, imwi muchadya mukaguta, mukagaramo makachengeteka.And the land shall yield her fruit, and ye shall eat your fill, and dwell therein in safety.
Zvino kana mukati, `Tichadyei negore rechinomwe? Tarirai, hatifaniri kudzvara, hatifaniri kuunganidza zvibereko zvedu' ;And if ye shall say, What shall we eat the seventh year? behold, we shall not sow, nor gather in our increase:
ipapo ndicharaira kuti mukomborerwe neni pagore rechitanhatu, kuti rikuberekerei zvibereko zvicharingana makore matatu.Then I will command my blessing upon you in the sixth year, and it shall bring forth fruit for three years.
Negore rorusere muchadzvara, muchidya zvibereko zvisharu, kusvikira gore repfumbamwe, kusvikira zvibereko zvaro zvichisvika, muchadya zvisharu.And ye shall sow the eighth year, and eat yet of old fruit until the ninth year; until her fruits come in ye shall eat of the old store.
Nyika haifaniri kutengeswa chose nokusingaperi, nokuti nyika ndeyangu; nokuti muri vaeni navatorwa kwandiri.The land shall not be sold for ever: for the land is mine; for ye are strangers and sojourners with me.
Panyika yenyu yose munofanira kutendera kuti nyika idzikunurwe.And in all the land of your possession ye shall grant a redemption for the land.
Kana hama yako ikava murombo, ikatengesa zvimwe zvayo, ipapo hama yako yomumba inofanira kuuya kuzodzikunura izvo zvakatengeswa nehama yako.If thy brother be waxen poor, and hath sold away some of his possession, and if any of his kin come to redeem it, then shall he redeem that which his brother sold.
Kana munhu akashaiwa unozvidzikunura, akazova mufumi, akawana zvinoringana kuzvidzikunura;And if the man have none to redeem it, and himself be able to redeem it;
unofanira kuverenga makore kubva pakutengeswa kwazvo, agodzosera kuna iye waakatengana naye zvakasara, iye ndokudzokera kune zvake;Then let him count the years of the sale thereof, and restore the overplus unto the man to whom he sold it; that he may return unto his possession.
asi kana asingagoni kuzvidzikunura, izvo zvaakatengesa zvinofanira kugara kuna iye wakazvitenga kusvikira pagore rejubheri; zvino pagore rejubheri zvinofanira kusunungurwa, iye agodzokera kune zvake.But if he be not able to restore it to him, then that which is sold shall remain in the hand of him that hath bought it until the year of jubile: and in the jubile it shall go out, and he shall return unto his possession.
Kana munhu akatengesa imba iri muguta rakakombwa namasvingo, ungaidzikunura gore rose raakatenga naro risati rapera; unofanira kuva nesimba rokuidzikunura gore rose.And if a man sell a dwelling house in a walled city, then he may redeem it within a whole year after it is sold; within a full year may he redeem it.
Kana isingadzikunurwi gore rose rikapera, zvino imba iyo iri muguta rakakombwa namasvingo inofanira kusimbiswa kuti ndeyaiye wakaitenga nokusingaperi, nokumarudzi ake; haingasunungurwi negore rejubheri.And if it be not redeemed within the space of a full year, then the house that is in the walled city shall be established for ever to him that bought it throughout his generations: it shall not go out in the jubile.
Asi dzimba dzemisha isina kukombwa namasvingo dzinofanira kuverengwa pamwechete neminda yenyika; dzingadzikunurwa, dzichasunungurwa pagore rejubheri.But the houses of the villages which have no wall round about them shall be counted as the fields of the country: they may be redeemed, and they shall go out in the jubile.
Asi pamaguta avaRevhi, idzo dzimba pamaguta avo, vaRevhi vangadzidzikunura nguva ipi neipi.Notwithstanding the cities of the Levites, and the houses of the cities of their possession, may the Levites redeem at any time.
Kana munhu akadzikunura kuva Revhi, imba yakatengeswa neguta rake zvinofanira kusunungurwa pagore rejubheri; nokuti dzimba mumaguta avaRevhi ndedzavo pakati pavana vaIsiraeri.And if a man purchase of the Levites, then the house that was sold, and the city of his possession, shall go out in the year of jubile: for the houses of the cities of the Levites are their possession among the children of Israel.
Asi minda yokuruwa rwamaguta avo haingatengeswi, nokuti ndeyavo nokusingaperi.But the field of the suburbs of their cities may not be sold; for it is their perpetual possession.
Kana hama yako ikava murombo, akapera simba anewe, unofanira kumubatsira, agare newe somweni kana mutorwa.And if thy brother be waxen poor, and fallen in decay with thee; then thou shalt relieve him: yea, though he be a stranger, or a sojourner; that he may live with thee.
Usatora mhindu yemari kwaari kana yezvibereko kwaari, asi unofanira kutya Mwari wako, kuti hama yako igare newe.Take thou no usury of him, or increase: but fear thy God; that thy brother may live with thee.
Usamupa mari yako uchireva mhindu, kana zvokudya zvako uchireva kuwedzerwa.Thou shalt not give him thy money upon usury, nor lend him thy victuals for increase.
Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeljipiti, kuti ndikupei nyika yeKanani, ndive Mwari wenyu.I am the LORD your God, which brought you forth out of the land of Egypt, to give you the land of Canaan, and to be your God.
Kana hama yako ikava murombo, agere newe, akazvitengesa kwauri, usamubatisa somusungwa;And if thy brother that dwelleth by thee be waxen poor, and be sold unto thee; thou shalt not compel him to serve as a bondservant:
ngaave somubatiri unopiwa mubayiro, kana somutorwa kwauri; ngaakubatire kusvikira pagore rejubheri.But as an hired servant, and as a sojourner, he shall be with thee, and shall serve thee unto the year of jubile:
Ipapo ngaabude hake kwauri, iye pamwechete navana vake, adzokere kuhama dzake, adzokere kuna madzibaba ake.And then shall he depart from thee, both he and his children with him, and shall return unto his own family, and unto the possession of his fathers shall he return.
Nokuti ivo varanda vangu vandakabudisa munyika yeIjipiti; ngavarege kutengeswa, sezvinoitwa vasungwa.For they are my servants, which I brought forth out of the land of Egypt: they shall not be sold as bondmen.
Usamubata nehasha, asi utye Mwari wako.Thou shalt not rule over him with rigour; but shalt fear thy God.
Kana vari vasungwa vako, varume kana vakadzi, vauchazova navo mungazvitengera vasungwa, varume navakadzi, kumarudzi anokupoteredzai.Both thy bondmen, and thy bondmaids, which thou shalt have, shall be of the heathen that are round about you; of them shall ye buy bondmen and bondmaids.
Mungatengawo kuvana vavatorwa vagere pakati penyu nokuvana vavo vari pakati penyu, vavakabereka panyika yenyu; ivo vangava venyu.Moreover of the children of the strangers that do sojourn among you, of them shall ye buy, and of their families that are with you, which they begat in your land: and they shall be your possession.
Muvaite nhaka yavana venyu vanokuteverai, kuti vave vavo; munofanira kutora vasungwa venyu kwavari nokuvana vaIsiraeri, mumwe ngaarege kubata mumwe nehasha.And ye shall take them as an inheritance for your children after you, to inherit them for a possession; they shall be your bondmen for ever: but over your brethren the children of Israel, ye shall not rule one over another with rigour.
Kana mweni kana mutorwa akafuma agere newe, asi hama yako igere naye ikava murombo, akazvitengesa kumweni kana mutorwa uyo ugere newe, kana kumwana worudzi rwomweni uyo,And if a sojourner or stranger wax rich by thee, and thy brother that dwelleth by him wax poor, and sell himself unto the stranger or sojourner by thee, or to the stock of the stranger’s family:
kana atengeswa, ungadzikunurwa; munun’una kana mukoma wake ungamudzikunura;After that he is sold he may be redeemed again; one of his brethren may redeem him:
kana babamunini vake, kana mwanakomana wababamunini vake, ungamudzikunura, kana ani naani wehama dzake dzomumba make ungamudzikunura; kana iye akazova mufumi, ungazvidzikunura amene.Either his uncle, or his uncle’s son, may redeem him, or any that is nigh of kin unto him of his family may redeem him; or if he be able, he may redeem himself.
Zvino iye nomutengi wake vanofanira kuverenga makore kubva pagore raakazvitengesa naro kwaari kusvikira pagore rejubheri, mutengo waakazvitengesa nawo unofanira kuenzaniswa namakore; nguva yokugara kwake naye inofanira kuenzaniswa nenguva yomubatiri unopiwa mubayiro wake.And he shall reckon with him that bought him from the year that he was sold to him unto the year of jubile: and the price of his sale shall be according unto the number of years, according to the time of an hired servant shall it be with him.
Kana makore mazhinji achinge asara, unofanira kudzosera mari yokudzikunurwa kwake yakaenzaniswa namakore iwayo, zvichibva pamari yaakanga atenga nayo.If there be yet many years behind, according unto them he shall give again the price of his redemption out of the money that he was bought for.
Kana kuchinge kwasara makore mashoma kusvikira pagore rejubheri, unofanira kurangana naye; unofanira kudzosera mari yokudzikunurwa kwake zvichienzaniswa namakore ake.And if there remain but few years unto the year of jubile, then he shall count with him, and according unto his years shall he give him again the price of his redemption.
Unofanira kugara naye gore rimwe nerimwe somubatiri unopiwa mubayiro wake; ngaarege kumubata nehasha pamberi pako.And as a yearly hired servant shall he be with him: and the other shall not rule with rigour over him in thy sight.
Kana asingadzikunurwi nemitoo iyi, anofanira kusunungurwa negore rejubheri, iye navana vake pamwechete naye.And if he be not redeemed in these years, then he shall go out in the year of jubile, both he, and his children with him.
Nokuti vana vaIsiraeri varanda vangu; varanda vangu vandakabudisa panyika yeljipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu.For unto me the children of Israel are servants; they are my servants whom I brought forth out of the land of Egypt: I am the LORD your God.