Bhaibheri

Ruka 14

Luke 14 · 35 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino wakati apinda mumba momumwe wavakuru vavaFarise nomusi wesabata kuzodya zvokudya, vakamucherekedza.

2Zvino kwakanga kunomumwe munhu pamberi pake waiva norukandwe.

3ipapo Jesu akapindura, akataura kuvadudziri vomurairo nokuvaFarise, achiti: Kwakatenderwa kuporesa nomusi wesabata here, kana kwete?

4Vakaramba vanyerere. Zvino akamutora, akamuporesa, ndokumuendesa.

5Wakapindura akati kwavari: Ndianiko pakati penyu, ungati, kana ane mbongoro yake kana nzombe yake ikawira mugomba, nomusi wesabata akasayibudisa pakarepo.

6Vakasagona kupindura zve pamusoro paizvozvi.

7Zvino wakataura mufananidzo kuna vakakokerwa, nokuti wakavona vachizvisanangurira zvigaro zvapamberi, akati kwavari:

8Kana iwe uchinge wakokerwa nomunhu kumutambo wokuwana, usagara pachigaro chapamberi; zvimwe mumwe, unokudzwa kupfuvurewe, wakokerwa vo naye;

9zvino wakakukokera iwe naye, ungasvika, akati kwauri: Ibvapo. Munhu uyu agareipo uchatanga kugara kuchigaro cheshure uchinyara.

10Asi kana wakokerwa, enda ugare pachigaro cheshure, kuti uyo wakakukokera, kana achisvika, agoti kwauri: Shamwari, pinda mberi! Zvino uchakudzwa wepamberi pavose vagere pakudya newe.

11Nokuti mumwe nomumwe unozvikudza, uchaninipiswa; vuye mumwe nomumwe unozvininipisa, uchakudzwa.

12Akati vo kuno wakamukokera: Kana wagadzira chisvusvuro kana chirayiro, usadana shamwari dzako, kana vanun’una vako kana hama dzako, navafumi vokwako, kuti varege kukukokera zve, ugoripirwa.

13Asi kana wagadzira mutambo wokudya, ukokere varombo, nezvirema, navanokamhina, namapofu.

14ipapo ucharopafadzwa, zvavasina zvavangakuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.

15Mumwe wavakanga vagere naye pakudya wakati achizvinzwa, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo uchadya zvokudya pavushe bwaMwari!

16Iye akati kwaari: Mumwe munhu wakagadzira chirayiro chikuru, akakokera vazhinji.

17Akatuma muranda wake nenguva yokurayira kuti avudze vakanga vakakokerwa, kuti: Vuyai, nokuti zvose zvagadzirwa zvino.

18Ipapo vose vakatanga nomoyo mumwe kuzvirevera. Wokutanga akati kwaari: Ndatenga munda, ndinofanira kumbondouvona; ndinokumbira kuti undireverere.

19Mumwe akati Ndatenga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda, kundodziidza; ndinokumbira kuti undireverere.

20Mumwe akati: Ndawana mukadzi, naizvozvo handingavuyi.

21Muranda akavuya, akavudza ishe wake izvozvo. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Kurumidza, ubude kunzira huru neduku dzomumusha, uvuye pano navarombo, nezvirema, namapofu, navanokamhina.

22Muranda akati: Ishe, izvo zvamaraira, zvaitwa, asi nzvimbo ichipo.

23Ishe akati kumuranda: Buda kunzira nokuvuzhowa, uvagombedzere vapinde, imba yangu izare.

24Nokuti ndinoti kwamuri: Hakuno mumwe kunavarume avo vandakakokera, ucharavira chirayiro changu.

25Zvino vazhinji-zhinji vakafamba naye; akatendevuka, akati kwavari:

26Kana munhu achivuya kwandiri, asingavengi baba vake namai, nomukadzi, navana, navanu’una, nehanzvadzi, kunyange novupenyu bwake vo, haangavi mudzidzi wangu.

27Aninani usingatakuri muchinjikwa wake, akavuya shure kwangu, haangavi mudzidzi wangu.

28Nokuti ndiani kwamuri, kana achida kuvaka svingo, usingatangi kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo, kuvona kana anemari yokuipedzisa nayo?

29Kuti zvimwe kana atanga nheyo, akakoniwa kupedzisa, vose vanozvivona, vasatanga kumuseka,

30vachiti: Uyu munhu wakatanga kuvaka, akakoniwa kupedzisa.

31Kana ndoupiko mambo, kana achienda kundorwa nomumwe mambo, usingatangi kugara pasi, akarangarira kana iye, unavanhu vanezvuru zvamazana zvinegumi, angagona kundosongana nounovuya kuzorwa naye, anavanhu vanezvuru zvamazana zvinamakumi maviri?

32Kana asingagoni, unotuma nhume, iye achiri kure, kundokumbira mashoko orugare.

33Saizvozvo vo, aninani kwamuri usingasiyi zvose zaanazvo, haangavi mudzidzi wangu.

34Munyu wakanaka; asi kana munyu wadurungunda, ucharungwa neiko?

35Hauchinebasa pamunda, kana padutu romupfudze; vanorashira kunze. Unenzeve dzokunzwa, ngaanzwe.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.