Bhaibheri

Ruka 21

Luke 21 · 38 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino wakati achitarira, akavona vafumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chemari.

2Akavona imwe chirikadzi, waiva murombo, achiisamo tumari tuviri tuduku.

3Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa kupfuvura vamwe vose;

4nokuti avo vose vakaisa pazvipo vachitora pazvizhinji zvavo, asi uyu wakaisa, achitora pakushaiwa kwake, zvaaifanira kurarama nazvo, zvose zvaakanga anazvo.

5Zvino vamwe vakati vachitaura pamusoro petembere, kuti yakanga yakashongedzwa namabwe akanaka nezvipo, iye akati:

6Kana zviri izvi zvamunovona, mazuva achasvika, asingazoregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.

7Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipi, kana izvozvi zvodokuitwa?

8Akati: Chenjerai, kuti murege kutsauswa; nokuti vazhinji vachavuya nezita rangu, vachiti: Ndini Kristu; nguva yaswedera. Musavatevera.

9Kana muchinzwa zvokurwa, nenyonganiso, musavhunduka henyu, nokuti izvozvi zvinofanira kumboitwa; asi kuguma hakusviki pakarepo.

10Akati kwavari: Rudzi rumwe ruchamukira rumwe rudzi, novushe hwumwe hwuchamukira hwumwe vushe.

11Kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo, nokunedzimwe nzvimbo nzara nehosha, nezvinotyisa, vuye zviratidzo zvikuru, zvichabva kudenga, zvichavapo.

12Asi izvozvi zvose zvisati zvasvika, vachakubatai, nokukutambudzai, vachikuisai kumasinagoge nomumatorongo, nokukuisai pamberi pamadzimambo navabati, nokuda kwezita rangu.

13Ichi chichava chapupu kwamuri.

14Naizvozvo simbai mumoyo menyu, kuti murege kumbofungisisa pamuchapindura napo.

15Nokuti ndichakupai muromo nokuchenjera, kuchakonesa vavengi venyu vose kukukundai nokuramba zvamunoreva.

16Muchaiswa kuvatongi kunyange navabereki, navanun’una, nehama, neshamwari; vamwe venyu vachavurawa.

17Muchavengwa navanhu vose nokuda kwezita rangu.

18Asi ruvhudzi rumwe rwomusoro wenyu harungarashiki.

19Nokutsungirira kwenyu muchawana vupenyu hwenyu.

20Zvino kana muchivona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti rodokuparadzwa.

21Musi uyo vari muJudhea ngavatizire kumakomo; navari pakati paro ngavabude; navari kuruwa ngavarege kupindamo.

22Nokuti iwayo ndiwo mazuva okutsiva, kuti zvose zvakanyorwa zviitike.

23Asi vachava nenhamo vanemimba navanomwisa namazuva iwayo, nokuti kutambudzika kukuru kuchavapo panyika, nokutsamwa pamusoro pavanhu ivavo.

24Vachaparadzwa nomuromo womunondo, nokutapwa kumarudzi ose; Jerusarema richatsikwa navahedheni, kusvikira nguva dzavahedheni dzazadzika.

25Zviratidzo zvichavapo pazuva napamwedzi, napanyeredzi; napanyika vurombo bwavanhu, vachikanganiswa nokutinhira kwegungwa namafungu;

26vanhu vachapera nokutya nokutarira zvinowira nyika; nokuti masimba okudenga achadengenyeka.

27Ipapo vachavona Mwanakomana womunhu achivuya negore, nesimba rokubwinya kukuru.

28Asi kana izvozvi zvichitanga kuitika, tarirai kumsoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunungurwa kwenyu kwaswedera.

29Zvino akavataurira mufananidzo achiti: Tarirai muvonde nemiti yose;

30kana yotunga, mukazvivona, munoziva mumene, kuti zvino zhezha rava pedo.

31Saizvozvo, nemi vo, kana movona izvozvi zvoitwa, zivai kuti vushe bwaMwari hwava pedo.

32Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongopfuvuri, kusvikira zvose zvaitika.

33Denga nenyika zvichapfuvura, asi mashoko angu haangatongopfuvuri.

34Chenjerai kuti moyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvovupenyu hwuno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva.

35Nokuti richawira vose vagere panyika yose.

36Asi rindai nenguva dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka pazvinhu izvo zvose zvinozoitwa, mugomira pamberi poMwanakomana womunhu.

37Zvino waidzidzisa masikati mutembere, asi vusiku waibuda, akandovata mugomo rinonzi reMiorivhi.

38Vanhu vose vakavuya kwaari mutembere mangwanani, kuzomunzwa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.