Zvino Joshua wakati afa, vana vaIsiraeri vakabvunza Jehovha, vakati, Ndianiko kwatiri anofanira kutanga kundorwa navaKenani?Now after the death of Joshua it came to pass, that the children of Israel asked the LORD, saying, Who shall go up for us against the Canaanites first, to fight against them?
Jehovha akati, Judha ndiye unofanira kuenda; tarirai ndakaisa nyika iyi mumaoko ake.And the LORD said, Judah shall go up: behold, I have delivered the land into his hand.
Zvino Judha akati kuna Simiyoni mukuru wake, Hendei tose kumugove wangu, tirwe navaKenani, neni ndigoenda newe kumugove wako. Ipapo Simiyoni akaenda naye.And Judah said unto Simeon his brother, Come up with me into my lot, that we may fight against the Canaanites; and I likewise will go with thee into thy lot. So Simeon went with him.
Zvino Judha akaenda, Jehovha akaisa vaKenani navaPerizi mumaoko ake, vakauraya muBhezeki varume vavo vane zviuru zvine gumi.And Judah went up; and the LORD delivered the Canaanites and the Perizzites into their hand: and they slew of them in Bezek ten thousand men.
Vakawana Adhoni-bhezeki muBhezeki, vakarwa naye, vakauraya vaKenani navaPerizi.And they found Adoni-bezek in Bezek: and they fought against him, and they slew the Canaanites and the Perizzites.
Asi Adhoni-bhezeki wakatiza; vakamutevera, vakamubata, ndokumugura magunwe ake namagunwe amakumbo ake.But Adoni-bezek fled; and they pursued after him, and caught him, and cut off his thumbs and his great toes.
Ipapo Adhoni-bhezeki akati, Madzimambo ana makumi manomwe, akanga akagurwa magunwe awo namagunwe amakumbo awo, ainonga zvokudya zvawo pasi petafura yangu; sezvandakaita ini, Mwari wakanditsivawo. Vakaenda naye Jerusaremu, akafirapo.And Adoni-bezek said, Threescore and ten kings, having their thumbs and their great toes cut off, gathered their meat under my table: as I have done, so God hath requited me. And they brought him to Jerusalem, and there he died.
Zvino vana vaJudha vakandorwa neJerusaremu, vakarikunda, vakavauraya neminondo inopinza, vakapisa guta nomoto.Now the children of Judah had fought against Jerusalem, and had taken it, and smitten it with the edge of the sword, and set the city on fire.
Pashure vana vaJudha vakaburuka vakandorwa navaKenani, vakanga vagere panyika yamakomo, nezasi nokumapani.And afterward the children of Judah went down to fight against the Canaanites, that dwelt in the mountain, and in the south, and in the valley.
Zvino vaJudha vakandorwa navaKenani vakanga vagere Hebhuroni (zvino zita reHebhuroni kare raiva Kiriati-abha); vakaparadza Sheshai, naAhimani, naTarimani.And Judah went against the Canaanites that dwelt in Hebron: (now the name of Hebron before was Kirjath- arba:) and they slew Sheshai, and Ahiman, and Talmai.
Vakabvapo, vakandorwa navanhu vakanga vagere Dhebhiri. (Zvino zita reDhebhiri kare raiva Kiriati-seferi).And from thence he went against the inhabitants of Debir: and the name of Debir before was Kirjath-sepher:
Karebhu akati, Munhu unorwa neKiriati-seferi, akarikunda, ndichamupa mukunda wangu Akisa, ave mukadzi wake.And Caleb said, He that smiteth Kirjath-sepher, and taketh it, to him will I give Achsah my daughter to wife.
Ipapo Otinieri, mwanakomana waKenazi, munun’una waKarebhu, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Akisa, akava mukadzi wake.And Othniel the son of Kenaz, Caleb’s younger brother, took it: and he gave him Achsah his daughter to wife.
Zvino iye wakati achisvika kwaari, akamukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake; zvino iye akaburuka pambongoro yake, Karebhu akati kwaari, Unoreveiko?And it came to pass, when she came to him, that she moved him to ask of her father a field: and she lighted from off her ass; and Caleb said unto her, What wilt thou?
Akati, Ndipei chipo; zvamakandiisa kunyika yezasi, ndipeiwo matsime emvura. Akamupa matsime okumusoro namatsime ezasi.And she said unto him, Give me a blessing: for thou hast given me a south land; give me also springs of water. And Caleb gave her the upper springs and the nether springs.
Zvino vana vomuKeni, mukarabwa waMozisi, vakabuda paguta remichindwe, vakakwira pamwechete navana vaJudha kurenje raJudha, riri zasi kweAradhi; vakandogara navanhu voko.And the children of the Kenite, Moses’ father in law, went up out of the city of palm trees with the children of Judah into the wilderness of Judah, which lieth in the south of Arad; and they went and dwelt among the people.
Judha akaenda naSimiyoni mukuru wake, vakakunda vaKenani vakanga vagere Zefati; vakariparadza chose. Guta iro rikazotumidzwa Homa.And Judah went with Simeon his brother, and they slew the Canaanites that inhabited Zephath, and utterly destroyed it. And the name of the city was called Hormah.
VaJudha ndokukundawo Gaza nenyika yaro neAshikeroni nenyika yaro, neEkironi nenyika yaro.Also Judah took Gaza with the coast thereof, and Askelon with the coast thereof, and Ekron with the coast thereof.
Jehovha akava naJudha akadzinga vanhu vakanga vagere panyika yamakomo; asi wakanga asingagoni kudzinga vakanga vagere mumupata, nokuti ivo vakanga vane ngoro dzamatare.And the LORD was with Judah; and he drave out the inhabitants of the mountain; but could not drive out the inhabitants of the valley, because they had chariots of iron.
Vakapa Karebi Hebhuroni sezvakanga zvataurwa naMozisi, akadzingapo vana vaAnaki vatatu.And they gave Hebron unto Caleb, as Moses said: and he expelled thence the three sons of Anak.
Asi vana vaBhenjamini havana kudzinga vaJebhusi vakanga vagere Jerusaremu; asi vaJebhusi vakagara Jerusaremu pamwechete navana vaBhenjamini kusvikira nhasi.And the children of Benjamin did not drive out the Jebusites that inhabited Jerusalem; but the Jebusites dwell with the children of Benjamin in Jerusalem unto this day.
Veimba yaJosefa naivo vakakwira vakandorwa neBheti-eri, Jehovha akava navo.And the house of Joseph, they also went up against Bethel: and the LORD was with them.
Veimba yaJosefa vakandoshora Bheti-eri. (Zvino zita reguta iri pakutanga raiva Ruzi.)And the house of Joseph sent to descry Bethel. (Now the name of the city before was Luz.)
Nharirire dzikaona munhu achibuda muguta, dzikati kwaari, Dotiratidza hako pano paguta, tigokuitira zvakanaka.And the spies saw a man come forth out of the city, and they said unto him, Shew us, we pray thee, the entrance into the city, and we will shew thee mercy.
Akavaratidza panopindwa napo paguta, vakakunda guta neminondo inopinza; asi vakatendera munhu uyo nemhuri yake yose kuenda hake.And when he shewed them the entrance into the city, they smote the city with the edge of the sword; but they let go the man and all his family.
Zvino munhu uyo akaenda kunyika yavaHeti, akandovaka guta rake, akaritumidza zita rinonzi Ruzi; ndiro zita raro kusvikira nhasi.And the man went into the land of the Hittites, and built a city, and called the name thereof Luz: which is the name thereof unto this day.
Manase haana kudzinga vanhu vakanga vagere Bheti-sheani, nemisha yaro, kana veTaanaki, nemisha yaro, kana vakanga vagere Dhori, nemisha yaro; kana vakanga vagere Ibhireami, nemisha yaro, kana vakanga vagere Megidho, nemisha yaro; asi vaKenani vakaramba vachida kugara panyika iyo.Neither did Manasseh drive out the inhabitants of Beth-shean and her towns, nor Taanach and her towns, nor the inhabitants of Dor and her towns, nor the inhabitants of Ibleam and her towns, nor the inhabitants of Megiddo and her towns: but the Canaanites would dwell in that land.
Zvino vaIsiraeri vakati vasimba, vakabatisa vaKenani basa rechibharo, havana kuvadzinga chose.And it came to pass, when Israel was strong, that they put the Canaanites to tribute, and did not utterly drive them out.
Efuremu haana kudzinga vaKenani vakanga vagere Gezeri; asi vaKenani vakagara Gezeri pakati pavo.Neither did Ephraim drive out the Canaanites that dwelt in Gezer; but the Canaanites dwelt in Gezer among them.
Zebhuruni haana kudzinga vanhu vakanga vagere Kitironi, kana vakanga vagere Naharori; asi vaKenani vakagara pakati pavo, vakava vabati vechibharo.Neither did Zebulun drive out the inhabitants of Kitron, nor the inhabitants of Nahalol; but the Canaanites dwelt among them, and became tributaries.
Asheri haana kudzinga vanhu vakanga vagere Ako, kana vakanga vagere Zidhoni, kana Akirabhi, kana Akisibhi, kana Heribha, kana Afiki, kana Rehobi;Neither did Asher drive out the inhabitants of Accho, nor the inhabitants of Zidon, nor of Ahlab, nor of Achzib, nor of Helbah, nor of Aphik, nor of Rehob:
asi vaAsheri vakagara pakati pavaKenani, vakanga vagere munyika iyo; nokuti havana kuvadzinga.But the Asherites dwelt among the Canaanites, the inhabitants of the land: for they did not drive them out.
Nafutari haana kudzinga vanhu vakanga vagere Bheti-shemeshi, kana vakanga vagere Bheti-anati; asi vakagara pakati pavaKenani, vakanga vagere panyika iyo; asi vakanga vagere Bhetishemeshi neBheti-anati vakava vabati vechibharo.Neither did Naphtali drive out the inhabitants of Beth-shemesh, nor the inhabitants of Beth-anath; but he dwelt among the Canaanites, the inhabitants of the land: nevertheless the inhabitants of Beth-shemesh and of Beth-anath became tributaries unto them.
VaAmori vakasundira vana vaDhani kunyika yamakomo, nokuti havana kuvatendera kuburukira kumupata;And the Amorites forced the children of Dan into the mountain: for they would not suffer them to come down to the valley:
asi vaAmori vakaramba vachida kugara mugomo reHeresi, muAjaroni nomuShaaribhimu, kunyange zvakadaro ruoko rwaveimba yaJosefa rwakakunda, vakava vabati vechibharo.But the Amorites would dwell in mount Heres in Aijalon, and in Shaalbim: yet the hand of the house of Joseph prevailed, so that they became tributaries.
Muganhu wavaAmori wakabva pamukwidzwa weAkirabhimu, kubva padombo, uchikwira.And the coast of the Amorites was from the going up to Akrabbim, from the rock, and upward.