Vatongi 10
Judges 10 · 18 verses
1Shure kwaAbhimereki, Tora mwanakomana waPua, mwanakomana waDhodho, murume waIsakari, wakamuka akaponesa Isiraeri; iye waigara paShamiri panyika yamakomo yaEfuremu.
2Iye akatonga vaIsiraeri makore ana makumi maviri namatatu, akafa; akavigwa paShamiri.
3Shure kwake Jairi muGiriyadhi wakamuka, iye akatonga vaIsiraeri makore ana makumi maviri namaviri.
4Wakanga ana vanakomana vana makumi matatu, vaitasva vana vembongoro vana makumi matatu, uye vakanga vana maguta ana makumi matatu, anonzi Havhori-jairi kusvikira nhasi, ari munyika yeGiriyadhi.
5Jairi akafa, akavigwa paKamoni.
6Vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira vaBhaari navaAshitaroti navamwari vavaSiria, navamwari veSidhoni, navamwari vaMoabhu, navamwari vavana vaAmoni, navamwari vavaFirisitia; vakarasha Jehovha, vakasamushumira.
7Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vaIsiraeri, akavatengesa mumaoko avaFirisitia, nomumaoko avana vaAmoni.
8Ivo vakanetsa nokumanikidza vana vaIsiraeri gore iro; vakamanikidza vana vaIsiraeri vose vakanga vagere mhiri kwaJorodhani munyika yavaAmori, yaiva paGiriyadhi, makore ane gumi namasere.
9Zvino vana vaAmoni vakayambuka Jorodhani , vakarwawo navaJudha, navaBhenjamini, uye neimba yavaEfuremu; naizvozvo vaIsiraeri vakamanikidzwa kwazvo.
10Zvino vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha, vakati, Takakutadzirai imwi, nokuti takarasha Mwari wedu, tikashumira vaBhaari.
11Jehovha akati kuvana vaIsiraeri, Handina kukuponesai here pavaIjipiti, navaAmori, navana vaAmoni, navaFirisitia?
12VaSidhoni, navaAmareki, navaMaoni vakakutambudzaiwo, imwi mukachema kwandiri, ndikakuponesai pamaoko avo.
13Kunyange zvakadaro makandirasha, mukandoshumira vamwe vamwari; naizvozvo handina kukuponesaizve.
14Endai mundochema henyu kuvamwari vamakazvisanangurira; ivo ngavakuponesei panguva yokutambudzika kwenyu.
15Vana vaIsiraeri vakati kuna Jehovha, Takatadza; tiitirei henyu sezvamunofunga, asi tinokumbira kuti mutirwirei henyu nhasi.
16Ipapo vakarasha vamwari vatorwa vakanga vari pakati pavo, vakashumira Jehovha; moyo wake ukachema pamusoro pokutambudzika kwavaIsiraeri.
17Zvino vana vaAmoni vakanga vaungana, vakadzika matende avo paGiriyadhi. Vana vaIsiraeri vakaunganawo, vakadzika matende avo paMizipa.
18Zvino vanhu, iwo machinda aGiriyadhi, vakataurirana, vakati, Ndianiko munhu uchatanga kurwa navana vaAmoni? Iye uchava mukuru wavose vagere Giriyadhi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.