Zvino vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akavaisa mumaoko aMidhiani makore manomwe.And the children of Israel did evil in the sight of the LORD: and the LORD delivered them into the hand of Midian seven years.
Midhiani akakunda Isiraeri; vana vaIsiraeri vakazviitira pokuvanda pamakomo, namapako, nenhare, nokuda kwaMidhiani.And the hand of Midian prevailed against Israel: and because of the Midianites the children of Israel made them the dens which are in the mountains, and caves, and strong holds.
Nokuti vaIsiraeri vakati kana vakusha, vaMidhiani navaAmareki navana vamabvazuva ndokukwira kuzorwa navo.And so it was, when Israel had sown, that the Midianites came up, and the Amalekites, and the children of the east, even they came up against them;
Vakadzika matende avo pakatarisana navo, ndokuparadza zvibereko zveminda kusvikira paGaza; havana kusiyira vaIsiraeri zvokudya kana makwai kana mombe, kana mbongoro.And they encamped against them, and destroyed the increase of the earth, till thou come unto Gaza, and left no sustenance for Israel, neither sheep, nor ox, nor ass.
Nokuti vaikwira nezvipfuwo zvavo, namatende avo; vaiuya vakawanda semhashu, vasingagoni kuverengwa, ivo namakamera avo; vaipinda munyika kuti vaiparadze.For they came up with their cattle and their tents, and they came as grasshoppers for multitude; for both they and their camels were without number: and they entered into the land to destroy it.
VaIsiraeri vakava varombo kwazvo nokuda kwaMidhiani; zvino vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha.And Israel was greatly impoverished because of the Midianites; and the children of Israel cried unto the LORD.
Zvino vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha nokuda kwaMidhiani,And it came to pass, when the children of Israel cried unto the LORD because of the Midianites,
Jehovha akatuma muporofita kuvana vaIsiraeri; iye akati kwavari, Zvanzi naJehovha Mwari walsiraeri, `Ndakakukwidzai, ndichikubudisai paIjipiti, nokukubudisai paimba youranda;That the LORD sent a prophet unto the children of Israel, which said unto them, Thus saith the LORD God of Israel, I brought you up from Egypt, and brought you forth out of the house of bondage;
ndikakurwirai mumaoko avaIjipiti, nomumaoko avose vaikumanikidzai, ndikavadzinga pamberi penyu, ndikakupai nyika yavo';And I delivered you out of the hand of the Egyptians, and out of the hand of all that oppressed you, and drave them out from before you, and gave you their land;
ndikati kwamuri, `Ndini Jehovha Mwari wenyu; hamufaniri kutya vamwari vavaAmori, vamugere munyika yavo; asi hamuna kuteerera inzwi rangu.'And I said unto you, I am the LORD your God; fear not the gods of the Amorites, in whose land ye dwell: but ye have not obeyed my voice.
Zvino mutumwa waJehovha wakasvika, akagara pasi pomuouki wakanga uri paOfura, waiva waJoashi, muAbhiezeri; Gidheoni mwanakomana wake, wakanga achipura zviyo pachisviniro chewaini, kuti azvivanze nokuda kwavaMidhiani.And there came an angel of the LORD, and sat under an oak which was in Ophrah, that pertained unto Joash the Abi-ezrite: and his son Gideon threshed wheat by the winepress, to hide it from the Midianites.
Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari, akati kwaari, Jehovha anewe, iwe murume ane simba noumhare.And the angel of the LORD appeared unto him, and said unto him, The LORD is with thee, thou mighty man of valour.
Gidheoni akati kwaari, Haiwa, Ishe wangu, kana Jehovha anesu, ko izvi zvose zvakagotiwirireiko? Zviripiko zvishamiso zvake zvose, zvataiudzwa namadzibaba edu, achiti, `Jehovha haana kutikwidza here, achitibudisa paIjipiti?' Asi zvino Jehovha wakatirasha, akatiisa mumaoko avaMidhiani.And Gideon said unto him, Oh my Lord, if the LORD be with us, why then is all this befallen us? and where be all his miracles which our fathers told us of, saying, Did not the LORD bring us up from Egypt? but now the LORD hath forsaken us, and delivered us into the hands of the Midianites.
Ipapo Jehovha akatendeukita kwaari, akati, Enda nesimba rako iri, undoponesa Isiraeri pamaoko aMidhiani, handizini ndakakutuma here?And the LORD looked upon him, and said, Go in this thy might, and thou shalt save Israel from the hand of the Midianites: have not I sent thee?
Akati kwaari, Haiwa, Ishe, ndichagoponesa Isiraeri neiko? Tarirai rudzi rwangu ruduku kuna vose paManase, neni ndiri muduku kuna vose paimba yababa vangu.And he said unto him, Oh my Lord, wherewith shall I save Israel? behold, my family is poor in Manasseh, and I am the least in my father’s house.
Jehovha akati kwaari, Zvirokwazvo, ini ndichava newe, iwe uchakunda vaMidhiani somunhu mumwe.And the LORD said unto him, Surely I will be with thee, and thou shalt smite the Midianites as one man.
Akati kwaari, Kana ndawana nyasha pamberi penyu zvino, ndiratidzei chiratidzo kuti ndimwi munotaura neni.And he said unto him, If now I have found grace in thy sight, then shew me a sign that thou talkest with me.
Regai henyu kubva pano, kusvikira ndadzokera kwamuri, ndikuvigirei chipo changu, ndichiise pamberi penyu. Iye akati, Ndichagara pano kusvikira wadzokazve.Depart not hence, I pray thee, until I come unto thee, and bring forth my present, and set it before thee. And he said, I will tarry until thou come again.
Ipapo Gidheoni akapinda, akandogadzira mbudzana nezvingwa zvisina kuviriswa zveefa imwe youpfu; akaisa nyama mudengu, nokudira muto muhari; akamuvigira izvozvo pasi pomuouki, ndokumupa izvozvo.And Gideon went in, and made ready a kid, and unleavened cakes of an ephah of flour: the flesh he put in a basket, and he put the broth in a pot, and brought it out unto him under the oak, and presented it.
Asi mutumwa waJehovha akati kwaari, Tora nyama nezvingwa zvisina kuviriswa, uzviise padombo iri, ugodururawo muto. Iye akaita saizvozvo.And the angel of God said unto him, Take the flesh and the unleavened cakes, and lay them upon this rock, and pour out the broth. And he did so.
Zvino mutumwa waJehovha ndokutambanudza muromo wetsvimbo, yakanga iri muruoko rwake, akagunzva nyama nezvingwa zvisina kuviriswa, moto ukabuda padombo, ukapedza nyama nezvingwa zvisina kuviriswa. Mutumwa waJehovha ndokunyangarika pamberi pake.Then the angel of the LORD put forth the end of the staff that was in his hand, and touched the flesh and the unleavened cakes; and there rose up fire out of the rock, and consumed the flesh and the unleavened cakes. Then the angel of the LORD departed out of his sight.
Ipapo Gidheoni akaona kuti mutumwa waJehovha. Gidheoni akati, Haiwa, Jehovha Mwari! Nokuti ndaona mutumwa waJehovha zviso zvakatarisana.And when Gideon perceived that he was an angel of the LORD, Gideon said, Alas, O Lord GOD! for because I have seen an angel of the LORD face to face.
Asi Jehovha wakati kwaari, Rugare ngaruve newe, usatya, haungafi.And the LORD said unto him, Peace be unto thee; fear not: thou shalt not die.
Ipapo Gidheoni akavakirapo Jehovha atari, akaitumidza zita rinonzi Jehovha-sharomi; ichiripo paOfura ravaAbhiezeri kusvikira nhasi.Then Gideon built an altar there unto the LORD, and called it Jehovah-shalom: unto this day it is yet in Ophrah of the Abi-ezrites.
Zvino nousiku ihwohwo Jehovha akati kwaari, Tora nzombe yababa vako, iya yechipiri ina makore manomwe, uputse atari yaBhaari yababa vako, utemewo danda rokunamata naro riripo.And it came to pass the same night, that the LORD said unto him, Take thy father’s young bullock, even the second bullock of seven years old, and throw down the altar of Baal that thy father hath, and cut down the grove that is by it:
Uvakire Jehovha Mwari wako atari pamusoro penhare iyi, nomutoo wakafanira, ugotora nzombe iyo yechipiri, ubayire chipiriso chinopiswa nehuni dzedanda rokunamata naro raunofanira kutema.And build an altar unto the LORD thy God upon the top of this rock, in the ordered place, and take the second bullock, and offer a burnt sacrifice with the wood of the grove which thou shalt cut down.
Ipapo Gidheoni akatora varume vane gumi kuvaranda vake, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; asi haana kuita izvozvo masikati, asi wakazviita usiku, nokuti wakatya veimba yababa vake navarume veguta.Then Gideon took ten men of his servants, and did as the LORD had said unto him: and so it was, because he feared his father’s household, and the men of the city, that he could not do it by day, that he did it by night.
Zvino varume veguta vakati vachimuka mangwanani, vakaona atari yaBhaari yaputswa, nedanda rokunamata naro raivapo ratemwa, nenzombe yechipiri yabayirwa paatari yakanga yavakwapo.And when the men of the city arose early in the morning, behold, the altar of Baal was cast down, and the grove was cut down that was by it, and the second bullock was offered upon the altar that was built.
Vakataurirana, vakati, Ndianika wakaita chinhu ichi? Vakati vachinzvera nokubvunzisisa, zvikanzi, Gidheoni mwanakomana waJoashi, ndiye wakaita chinhu ichi.And they said one to another, Who hath done this thing? And when they enquired and asked, they said, Gideon the son of Joash hath done this thing.
Zvino varume veguta vakati kuna Joashi, Budisa mwanakomana wako, afe, nokuti waputsa atari yaBhaari, uye watema danda rokunamata naro raivapo pairi.Then the men of the city said unto Joash, Bring out thy son, that he may die: because he hath cast down the altar of Baal, and because he hath cut down the grove that was by it.
Asi Joashi wakati kuna vose vakanga vachimupopotera, Moda kurwira Bhaari kanhi? Moda kumuponesa? Unomurwira uchaurawa mangwanani ano; kana ari mwari, ngaazvirwire amene, zvaakaputsirwa atari yake nomunhu.And Joash said unto all that stood against him, Will ye plead for Baal? will ye save him? he that will plead for him, let him be put to death whilst it is yet morning: if he be a god, let him plead for himself, because one hath cast down his altar.
Saka nomusi iwoyo akamutumidza zita rinonzi Jerubhaari, achiti, Bhaari ngaarwe naye, zvaakaputsa atari yake.Therefore on that day he called him Jerubbaal, saying, Let Baal plead against him, because he hath thrown down his altar.
Zvino vaMidhiani vose navaAmareki navana vamabvazuva vakaungana, vakayambuka, vakadzika matende avo pamupata weJezereeri.Then all the Midianites and the Amalekites and the children of the east were gathered together, and went over, and pitched in the valley of Jezreel.
Asi Mweya waJehovha wakasvika pamusoro paGidheoni, akaridza hwamanda, vaAbhiezeri vakaungana vakamutevera.But the Spirit of the LORD came upon Gideon, and he blew a trumpet; and Abi-ezer was gathered after him.
Akatuma nhume pakati pavaManase vose, naivo vakaungana vakamutevera; akatumawo nhume kuna Asheri, naZebhuruni, naNafutari, naivo vakakwira kuzosangana navo.And he sent messengers throughout all Manasseh; who also was gathered after him: and he sent messengers unto Asher, and unto Zebulun, and unto Naphtali; and they came up to meet them.
Ipapo Gidheoni akati kuna Mwari, Kana muchida kuponesa Isiraeri noruoko rwangu, sezvamakataura,And Gideon said unto God, If thou wilt save Israel by mine hand, as thou hast said,
tarirai, ndichaisa debwe rine mvere paburiro; kana kukava nedova padebwe bedzi, pasi pose pakaoma, ndichaziva kuti munoda kuponesa Isiraeri noruoko rwangu, sezvamakataura.Behold, I will put a fleece of wool in the floor; and if the dew be on the fleece only, and it be dry upon all the earth beside, then shall I know that thou wilt save Israel by mine hand, as thou hast said.
Zvikava saizvozvo; nokuti wakamuka mangwanani, akambundanidza debwe, akasvina mvura padebwe, ikazadza mbiya.And it was so: for he rose up early on the morrow, and thrust the fleece together, and wringed the dew out of the fleece, a bowl full of water.
Zvino Gidheoni akati kuna Mwari, Regai henyu kunditsamwira, kana ndikataurazve kamwe chete; nditenderei ndiidzezve kamwe chete nedebwe; zvino padebwe bedzi pave pakaoma, asi pasi pose pave nedova.And Gideon said unto God, Let not thine anger be hot against me, and I will speak but this once: let me prove, I pray thee, but this once with the fleece; let it now be dry only upon the fleece, and upon all the ground let there be dew.
Mwari akaita saizvozvo usiku uhwo; nokuti padebwe bedzi pakanga pakaoma, asi dova rakanga riri pasi pose.And God did so that night: for it was dry upon the fleece only, and there was dew on all the ground.