Bhaibheri

Zvakazarurwa 19

Revelation 19 · 21 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Shure kwaizvozvo ndakanzwa inzwi guru seravazhinji-zhinji kudenga, richiti: Hareruya! Ruponeso, nokubwinya, nokukudzwa nesimba kunaIshe Mwari wedu;

2nokuti kutonga kwake ndokwazvokwadi kwakarurama; nokuti wakatonga mhombwe huru yakavodza nyika novupombwe bwayo, akatsiva ropa ravaranda vake paruvoko rwayo.

3ipapo vakapamhidza, vachiti: Hareruya! Vutsi bwaro bwunokwira nokusingaperi-peri.

4Zvino Vakuru vanamakumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi vakanamata Mwari wakanga agere pachigaro chovushe, vakati: Ameni, Hareruya!

5Inzwi rikabva pachigaro chovushe, richiti: Rumbidzai Mwari, imi mose varanda vake, imi munomutya, vaduku navakuru.

6Ipapo ndakanzwa senzwi ravazhinji-zhinji, senzwi remvura zhinji, senzwi rokutinhira kukuru richiti: Hareruya! Nokuti Ishe Mwari wedu wamasimba ose wobata vushe.

7Ngatifarei, tifarisise, timukudze; nokuti mutambo wokuwana weGwaiana wasvika, mukadzi waro wazvigadzira.

8Wakapiwa simba kuti apfeke mucheka wakanaka, unopenya, usinetsvina; nokuti mucheka wakanaka ndizvo zvakarurama zvavatsvene.

9Zvino akati kwandiri: Nyora, uti: Vakaropfadzwa vakakokerwa kuchirayiro chokuwana cheGwaiana. Akati kwandiri: Mashoko awa ndaazvokwadi aMwari.

10Ipapo ndakawira pasi pamberi petsoka dzake, kuti ndimunamate. Akati kwandiri: Rega kudaro, nokuti ndiri muranda pamwe chete newe nehama dzako dzinobata kupupura kwaJesu; namata Mwari, nokuti kupupura kwaJesu ndiwo mweya wokuporofita.

11Ipapo ndakavona kudenga kwakazarurwa, ndikavona bhiza jena; naiye wakanga agere pamusoro paro wakanzi: Wakatendeka noWazvokwadi; unotonga nokurwa zvakarurama.

12Meso ake akanga akaita somurazvo womoto; pamusoro wake pakanga panekorona zhinji; wakanga anezita rakanyorwa, risina kuzikanwa nomunhu, asi naiye bedzi.

13Wakanga akapfeka nguvo yakanyikwa muropa; zita rake rinonzi Shoko raMwari.

14Hondo dzokudenga dzakamutevera, dzakatasva mabhizha machena, dzakafuka mucheka wakanaka muchena, usinetsvina.

15Mumuromo make makabuda munondo unopinza, kuti arove marudzi nawo; uchaafudza netsvimbo yedare; unotsika chisviniro chehasha dzokutsamwa kwaMwari wamasimba ose.

16Panguvo yake napachidzva chake pakanga pakanyorwa zita rinoti: Mambo wamadzimambo, naShe Wamadzishe.

17Zvino ndakavona mutumwa amire muzuva; akadanidzira nenzwi guru, achiti kushiri dzose dzinobhururuka pakati pedenga: Vuyai, muvungane pachirayiro chikuru chaMwari.

18kuti mudye nyama yamadzimambo, nenyama yavakuru vezvuru zvamazana, nenyama yavanesimba, nenyama yamabhiza, neyavatasvi vawo nenyama yavanhu vose vakasununguka navakasungwa, vaduku navakuru.

19Zvino ndakavona chikara chiya namadzimambo enyika nehondo dzavo, vakavungana kuti varwe naiye wakanga akatasva bhiza, nehondo dzake.

20Ipapo chikara chakabatwa pamwe chete nomuporofita wenhema, wakaita zviratidzo pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakapiwa chiratidzo chechikara, navainamata mufananidzo wacho. Ava vaviri vakakandirwa vari vapenyu mugomba romoto unopfuta nesurferi.

21Vakasara vakavurawa nomunondo waiye wakanga akatasva bhizha, wakabuda mumuromo make; shiri dzose dzikaguta nyama yavo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.