Bhaibheri

Zvakazarurwa 3

Revelation 3 · 22 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Nyorera mutumwa wekereke iri paSardhisi, uti: Zvanzi naiye unemweya minomwe yaMwari, nenyeredzi nomwe: Ndinoziva mabasa ako, kuti unonzi uri mupenyu, asi wakafa.

2Pepuka, usimbise izvo zvakasara, zvakanga zvodo-kufa; nokuti handina-kuwana mabasa ako kuti akakwana pamberi paMwari wangu.

3Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nokunzwa sei; uzvichengete, utendevuke. Naizvozvo kana usingapepuki, ndichavuya sembavha, haungazivi nguva yandichakuwira nayo.

4Asi unamazita mashoma paSardhisi avanhu vasina kusvibiswa nguvo dzavo; vachafamba neni vanenguvo chena, nokuti vakafanirwa nazvo.

5Unokunda, uchapfekedzwa saizvozvo nguvo chena; handingatongodzimi zita rake pabhuku yovupenyu, ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu, napamberi pavatumwa vake.

6Unenzeve ngaanzwe zvinoreva mweya kukereke.

7Nyorera mutumwa wekereke iri paFiradherfia, uti: Zvanzi naiye mutsvene, iye wa zvokwadi, iye unekiyi yaDhavhidhi, iye unoti kana achizarura, hakuna unopfiga, kana achipfiga, hakuna unozarura:

8Ndinoziva mabasa ako, (tarira, ndakaisa pamberi pako mukova wakazaruka, hakuna ungagona kuupfiga), kuti unesimba shoma hako; wakachengeta shoko rangu, ukasaramba zita rangu.

9Tarira ndinokupa vamwe vari vesinagoge raSatani, vanoti, tiri vaJudha, vasiri ivo chaivo, asi vanoreva nhema; tarira, ndichavavuyisa kuti vanamate pamberi petsoka dzako, vuye vazive kuti ndakakuda.

10Zvawakachengeta shoko rokutsungirira kwangu, ndichakuchengeta vo panguva yokuidzwa yoda kuvuya panyika yose, kuidzwa vanogara panyika.

11Tarira ndinokurumidza kuvuya; batisisa icho chaunacho, kuti urege kutorerwa korona yako.

12Unokunda ndichamuita mbiru mutembere yaMwari wangu, haangazobudimo zve; ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva rinoburuka kudenga kunaMwari wangu, nezita rangu idzva.

13Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.

14Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodhikia, uti: Zvanzi naAmeni, chapupu chakatendeka, chazvokwadi, kutanga kwezvisikwa zvaMwari;

15Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Dai uchitonhora kana kupisa.

16Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisa, ndichakusvisvina mumuromo mangu.

17Nokuti unoti, ndakafuma, ndakafumiswa, handishaiwi chinhu; usingazivi, kuti ndiwe unovurombo nenhamo, uri murombo nebofu usina chokufuka.

18Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri ndarama yakaidzwa mumoto, kuti uve nefuma, nenguvo chena, kuti uzvifukidze, nyadzi dzokusafuka kwako dzirege kuvonekwa; nechizoro chameso, kuti uzore meso ako, uvone.

19Vose vandinoda ndinovaranga nokuvarova; naizvozvo shingaira utendevuke.

20Tarira, ndimire pamukova, ndichigogodza; kana munhu akanzwa inzwi rangu, akazarura mukova ndichapinda kwaari, ndicharayira naye, naiye ucharayira neni.

21Unokunda ndichamupa chinhu ichi, kuti agare neni pachigaro changu chovushe, seni vo ndakakunda, ndikagara pamwe chete nababa vangu pachigaro chavo chovushe.

22Unenzeve ngaanzwe zinoreva Mweya kukereke.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.