Zvakazarurwa 5
Revelation 5 · 14 verses
1Zvino ndakavona muruvoko rworudyi rwaiye wakanga agere pachigaro chovushe bhuku yakanyorwa mukati nokunze kwayo, yakanamatidzwa nezvisimbiso zvinomwe.
2Ipapo ndakavona mutumwa, unesimba, achidanidzira nenzwi guru; achiti: Ndianiko wakafanira kuti azarure bhuku iyi, nokusunungura zvisimbiso zvayo?
3Asi kwakanga kusinomunhu kudenga napanyika, kana napasi penyika, wakagona kuzarura bhuku iyo, kana kutarira mairi.
4Ipapo ndakachema zvikuru, zvakusina-kuwanikwa munhu, wakafanira kuti azarure bhuku, kana kuverenga kana kutarira mairi.
5Zvino mumwe waVakuru wakati kwandiri; Usachema hako, tarira, Shumba yorudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, yakakunda kuti izarure bhuku nokusunungura nezvisimbiso zvayo zvinomwe.
6Zvino ndakatarira ndikavona pakati pechigaro chovushe nezvisikwa zvipenyu zvina, napakati paVakuru, Gwaiana rimire, rakaita serakabayiwa, rinenyanga nomwe nameso manomwe, iri Mweya minomwe yaMwari, yakatumwa kunyika yose.
7Iro rikavuya, rikatora bhuku muruvoko rworudyi rwaiye wakanga agere pachigaro chovushe.
8Zvino rakati ratora bhuku, zvisikwa zvipenyu zvina naVakuru vanamakumi maviri navana vakawira pasi pamberi peGwaiana, mumwe nomumwe anorudimbwa, nendiro dzendarama, dzakanga dzizere nezvinonhuwira, iri minyengetero yavatsvene.
9Vakaimba rwiyo rutsva, vachiti: Ndimi makafanira kuti mutore bhuku nokuzarura zvisimbiso zvayo; nokuti makabayiwa, mukatengera Mwari neropa renyu vanhu vanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose;
10mukavaitira Mwari wedu, kuti vave madzimambo navaPirisita, vabate vushe panyika.
11Zvino ndakavona, ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji vakanga vakakomberedza chigaro chovushe nezvisikwa zvipenyu, naVakuru kuwanda kwavo kwakanga kuri zvuru zvezvuru nezvuru zvamazana
12vachiti nenzwi guru: Gwaiana rakabayiwa rakafanira kuti rivigirwe vushe, nefuma, nokuchenjera, nesimba, nokukudzwa, nokubwinya, nokurumbidzwa.
13Ndikanzwa zvisikwa zvipenyu zvose zviri kudenga, napanyika, nezvose zviri mukati mazvo, zvichiti: Kurumbidzwa, nokukudzwa, nokubwinya, nesimba ngazvive kunaiye ugere pamusoro pechigaro chovushe, nokuGwaiana nokusi ngaperiperi.
14Ipapo zvisikwa zvipenyu zvina zvakati: Ameni. Vakuru vanamakumi maviri navana vo vakawira pasi, vakanamata Iye unorarama nokusingaperi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.