Bhaibheri

Zvirevo 24

Proverbs 24 · 34 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Usagodora vanhu vakaipa; Usashuva kuva pakati pavo.

2Nokuti moyo yavo inorangarira kuparadza; Nemiromo yavo inotaura zvakashata.

3Imba inovakwa nouchenjeri; Inosimbiswa nenjere.

4Nezivo dzimba dzomukati dzinozadzwa Nefuma yose inokosha inofadza.

5Munhu akachenjera ane simba; Zvirokwazvo, munhu wezivo anowedzera simba

6Nokuti anofanira kurwa pfumo amborairirwa nouchenjeri; Asi kuna varairiri vazhinji ndiko kune ruponeso.

7Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; Harishamisi muromo waro padare.

8Anorangarira kuita zvakaipa, Achanzi navanhu mwene wezvakashata.

9Mufungo woupenzi zvivi; Mudadi anonyangadza vanhu.

10Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, Simba rako ishoma.

11Rwira vanoiswa kurufu; Novourawa usarega kuvadzosa.

12Kana ukati, Tarirai, hatina kuzviziva; Ko iye anoidza moyo, haazvioni here? Naiye anochengeta mweya wako, haazvizivi here? Ko iye haangapi mumwe nomumwe zvakaenzana nebasa rake here?

13Mwanakomana wangu, idya uchi, nokuti hwakanaka; Nomusvi unozipa pamukanwa wako.

14Uchaona kuti ndizvo zvichaita uchenjeri kumweya wako; Kana wahuwana, mubayiro uchavapo, Nezvawakatarira hazvingaparadzwi.

15Iwe munhu akaipa, usavandira panogara wakarurama; Usaparadza paanozorora.

16Nokuti munhu akarurama angawa kanomwe, achisimukazve; Asi vakaipa vanowisirwa pasi nenjodzi.

17Usafarisisa kana muvengi wako achiwa; Kana achiwisirwa pasi, moyo wako ngaurege kufara.

18Kuti Jehovha arege kuzviona, zvisamufadza, Akazodzora kutsamwa kwake kwaari.

19Usatsamwa nokuda kwavaiti vezvakaipa; Uye usagodora vakaipa.

20Nokuti munhu akaipa haana mubayiro; Mwenje wakaipa uchadzimwa.

21Mwanakomana wangu, itya Jehovha namambo; Usafambidzana navanongosishanduka.

22Nokuti nhamo yavo ichamuka pakarepo; Nokuguma kwamakore avo, ndiani achazviziva?

23Zvirevo izviwo zvakabva kuna vakachenjera, Kutsaura vanhu pakutonga hazvina kunaka

24Anoti kune wakaipa, Akarurama, Vanhu vachamutuka, nendudzi dzichamusema.

25Asi vanomuraira, vachaitirwa zvakanaka; ropafadzo yakanaka ichauya pamusoro pavo.

26Anopindura namashoko akarurama, anotsvoda nemiromo.

27Gadzira basa rako kunze, Uzvigadzirire iro pamunda; Pashure ugovaka imba yako.

28Usava chapupu chinopomera wokwako asina mhosva; Usanyengedzera nemiromo yako.

29Usati, Sezvaakandiitira, ndizvo zvandichamuitirawo; Ndicharipira munhu sezvaakaita iye.

30Ndakapfuura napamunda wesimbe, Napamunda wemizambiringa womunhu anoshaiwa njere;

31Tarirai, akanga angomera minzwa chete; Munda wose wakanga wakafukidzwa norukato, Norusvingo rwawo rwamabwe rwakanga rwakoromoka.

32Ipapo ndakacherekedza, ndikanatsofunga; Ndakaona, ndikadzidziswa.

33Kumbovata zvishomanene, kumbotsumwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore;

34Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu akashonga nhumbi dzokurwa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.