Bhaibheri

Zvirevo 31

Proverbs 31 · 31 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Mashoko amambo Remueri; zvirevo zvaakadzidziswa namai vake.

2Nhai, mwanakomana wangu! Nhai, mwanakomana wemhiko dzangu!

3Rega kupa vakadzi simba rako, Nenzira dzako kune zvinoparadza madzimambo.

4Iwe Remueri, hazvifaniri madzimambo, hazvifaniri madzimambo kunwa waini; Namachinda kuti, `Doro riripiko?'

5Varege kunwa, vachizokanganwa murayiro, Varege kukanganisa kururamisira vamwe vanotambudzika.

6Ipai anoda kuparara doro, Neanomoyo unorwadza waini;

7Ngaanwe, akanganwe urombo hwake, Arege kucharangarira kutambudzika kwake.

8Shamisira mbeveve muromo wako, Urwire mhaka dzavose vakadai vakasiyiwa.

9Shamisa muromo wako, utonge zvakarurama, Ururamisire murombo neanoshaiwa.

10Ndianiko angawana mukadzi anozviita zvakanaka? Nokuti mutengo wake unokunda kwazvo mutengo wamaparera.

11moyo womurume wake unomutenda, Naiye haangashaiwi fuma.

12Unoitira murume wake zvakanaka, haamuitiri zvakaipa Mazuva ose oupenyu hwake.

13Anotsvaka mvere noruchinda, Achibata namaoko ake nomufaro.

14Akafanana nezvikepe zvavatengesi; Anondotora zvokudya zvake kure.

15Anomuka huchiri usiku, Nokupa mhuri yake zvokudya, Navashandiri vake basa ravo.

16Anorangarira munda, ndokuutenga; Anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake.

17Anozvisunga chiuno nesimba, Nokusimbisa maoko ake.

18Anoona kuti kushambadzira kwake kwabatsira; Mwenje wake haudzimi vusiku.

19Anotambanudzira ruoko rwake kune chokurukisa; Maoko ake anobata chinorukwa.

20Anotambanudzira murombo ruoko rwake; Anotandavadzira anoshaiwa maoko ake.

21Haatyi chando pamusoro peimba yake, Nokuti mhuri yake yose yakafuka nguvo tsvuku.

22Anozviitira mitsamhiro inoukomba; nguvo yake mucheka wakaisvonaka nomutsvuku.

23Murume wake anozikanwa pamasuo eguta, Kana agere pakati pavakuru venyika.

24Anoita zvokufuka zvomucheka achizvitengesa, Anovigira vatengesi zvisungo zvezviuno.

25Simba nokukudzwa ndizvo zvokufuka zvake; Anoseka kana achifunga nguva inouya.

26Anoshamisa muromo wake nouchenjeri; Rurimi rwake runodzidzisa nounyoro.

27Anotarira zvakanaka kufamba kwemhuri yake, Asi iwe unovakunda vose. Asingadyi zvokudya zvousimbe.

28Vana vake vanomuka, vachimuti, Makaropafadzwa; Nomurume wakewo anomurumbidza, achiti,

29Vakunda vazhinji vakaita zvakanaka,asi iwe unovakunda vose.

30Zvinofadza zvinonyengedzera, unaki hahuna maturo; Asi mukadzi anotya Jehovha, ndiye anofanira kurumbidzwa.

31Chimupai zvakafanira zvaakabata namaoko ake; Mabasa ake ngaamurumbidze pamasuo eguta.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.