Bhaibheri

Zvirevo 9

Proverbs 9 · 18 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Uchenjeri hwakavaka imba yahwo; Hwakaveza mbiru dzahwo nomwe;

2Hwakabaya zvipfuwo zvahwo; Hwakavhenganisa waini yahwo; Hwakagadzirawo tafura yahwo.

3Hwakatuma varandakadzi vahwo; hunodanidzira pamitunhu yeguta, huchiti,

4Asina mano ngaatsaukire muno; Asina njere, hunoti kwaari,

5Uyai mudye chingwa changu, Munwe waini yandakavhenganisa.

6Regai kusasvinuka murarame; Mufambe nenzira yenjere.

7Munhu, anoraira mudadiri anozvitsvakira kunyadziswa; Anotuka munhu wakaipa achasvibiswa.

8Usaraira mudadiri, kuti arege kukuvenga; Raira munhu wakachenjera, iye achakuda.

9Ipa wakachenjera dzidzo, ipapo iye achawedzerwa huchenjeri; Dzidzisa wakarurama, ipapo iye achawedzerwa zivo.

10Kuvamba kwouchenjeri ndiko kutya Iehovha., Kuziva Mutsvene ndidzo njere.

11Nokuti neni mazuva ako achaitwa mazhinji, Makore oupenyu hwako achawedzerwa.

12Kana wakachenjera, iwe, wakazvichenjerera hako; Kana uri mudadiri, iwe woga uchava nemhosva yazvo.

13Mukadzi benzi anopupira; Haana mano, haazivi chinhu.

14Anogara pamukova weimba yake, Pachigaro pamitunhu yeguta.

15Kuti adanidzire kuna vanopfuura napo, Ivo vanorurama nenzira dzavo, achiti,

16Ani naani asina mano, ngaatsaukire muno; Asine njere, mukadzi anoti kwaari,

17Mvura yabiwa inozipa, Chingwa chinodyiwa pakavanda chinonaka.

18Asi haazivi kuti vanopindamo vanofa; Kuti vakakokerwa naye vari mukati-kati meSheori.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.