M'tsvene m’tsvene m’tsvene
AFM Nziyo 105
M’TSVENE, M’tsvene, M’tsvene. M.S.S.H.B. 582
1
M'TSVENE , m’tsvene, m’tsvene! Mwari Samasimba! Tinomukumbira pamangwanani ese, M’tsvene, M’tsvene, m’tsvene, Mune nyasha huru, Umwe vatatu pamwe chetezve!
2
M’tsvene, m’tsvene, m’tsvene! Vese vanodaro, Vakahwararira pamberi penyu Mwari: M’tsvene, m’tsvene, m’tsvene! Vanomunamata Mwakange muri, munozovazve!
3
M’tsvene, m’tsvene, m’tsvene! Hatizomuoni, Mbiri yenyu huru panyika nokudenga: M’tsvene, m’tsvene, m’tsvene! Muri m’tsvene chete, Mwakanaka mwakachenazve!
4
M’tsvene, m’tsvene, m’tsvene! Zvese zvakasikwa Zvinokudza imwi, mukuru kune vese: M’tsvene, m’tsvene, m’tsvene! Mwakaruramisa, Mwari mupenyu nemusikizve!
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.