Bhaibheri

Zvino kwakuparadzana

AFM Nziyo 111

1

ZVINO kwakuparadzana, Munawanga imwi mwese, Mwari amukotse mwese Nekumupa nyasha dzake.

2

Zvino, Tenzi tinotenda, Mwatikomborera muno, Tinoenda tine simba, Tinofara nemwi zvino.

3

Zvino ta’a kubuda muno, Fambai nesu kwese kwese, Garai nesu nguva dzese, Simbisanyi vanhu venyu.

4

Ngatifambe mukunaka, Ngatiite vanhu kwavo, Tiri umwe kuna Kristu, Mwari ndiye Baba vedu.

5

Izwi renyu raparidzwa, Ratigutsa zvakakwana, Idi rese tagashira, Tinoita zvorareva.

6

Tinokudza imwi, Tenzi, Nzeve dzedu dzanzwa, Baba Taburirwa izwi renyu, Toda mwoyo inokotsa.

7

Tinotenda, Mwari Baba, Muri mudzidzisi wedu, Tinomutevera nhasi Nemazuva achauya.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.