Kristu Tenzi wakamuka Haleluya
AFM Nziyo 120
Kristu Tenzi Wakamuka
1
KRISTU Tenzi wakamuka, Haleluya! Ingirosi dzinoimba, Haleluya! Vanhu vanopindurawo, Haleluya! Vese vachiimba pamwe, Haleluya!
2
Jesu wakamuka Mambo, Haleluya! Wakapedza basa rake, Haleluya! Wakakunda guva rake, Haleluya! Wakatikundira rufu, Haleluya!
3
Guva harichina simba, Haleluya! Buwe rakamburumbutswa, Haleluya! Kristu wakabuda umwo, Haleluya! Wakakwira denga rake, Haleluya!
4
Zvino tinotenda kwazvo, Haleluya! Kuti nesu tichamuka, Haleluya! Takasikwa kunga iye, Haleluya! Tinomutswa zvakadaro, Haleluya!
5
Kristu Tenzi wakamuka, Haleluya! Wakakunda kufa kwake, Haleluya! Wakakwira kune denga, Haleluya! Anogara kuna Baba, Haleluya!
6
Vanhu vese ngavaimbe, Haleluya! Ngavapururudze Mambo, Haleluya! Ndiye wakatiunzira, Haleluya! Ruponeso rwakakomba, Haleluya!
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.