Mweya M’tsvene muri Mwari
AFM Nziyo 122
1
MWEYA M’tsvene muri Mwari, Ndinotambudzika, Mwoyo wangu unochema, Ndinomuda zvino.
Chorus
Ndizadzenyi, ndizadzenyi Uyai, Mweya zvino, Pindai mwoyo wangu, Mweya, Kuti ndisimbiswe.
2
Ndine nungo zviro kwazvo, Ndinoshaya simba, Asi mukandisimbisa, Ndinokunda zvese.
3
Ndinoziva basa renyu Kuti rakanaka, Munotungamira vese Vanomuteera.
4
Kuti ndichitungamirwa Handichawi pasi, Handichamusiyi Baba, Kana nzira dzenyu.
5
Nzira dzenyu dzakanaka, Dzine ruvheneko, Dzine zano rokufamba Zvakanaka kwazvo.
6
Muri mubatsiri wangu, Mutendeki kwaye, Avo vanomutevera Vanokomborerwa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.