Nhasi ngatimutondere
AFM Nziyo 124
1
NHASI ngatimutondere, Uyo wakatifira vese, Ari kudaidza vese, Anovada zvirokwazvo.
Chorus
Uyai zvino, uyai zvino, Uyai zvino kuna Jesu. Musamire uyai zvino Nguva yakanaka zvino.
2
Zvimwe mwakafamba kure Kubva nzira yakanaka, Jesu anosunungura Kuti muchitenderuka.
3
Jesu anondisa avo Vanochema ngezvitadzo, Avovapa mwoyo mitsva Anoita vana vake.
4
Tambirayi chipo chake, Munopiwa ruponiso, Tambiranyi Runyararo Nerufaro rwakanaka.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.