Jesu Kristu ndiM’ponesi
AFM Nziyo 134
1
JESU Kristu ndiM’ponesi, Wakatida isu tese, Wakaunza ruponeso Kuti tese tiponeswe.
Chorus
Ndiri pano, ndiponesei, Handichadi zvakaipa. Ndoda kuva mwana wenyu Misi yese youpenyu.
2
Jesu Kristu ndiM’ponesi, Ane rudo kuvatadzi. Ona ari pam’chinjiko Kutifira vanyangadzi.
3
Jesu Kristu ndiM’ponesi, Usagare neurombo, Uya zvino, uponeswe Kuti uve nerufaro.
4
Jesu Kristu ndiM’ponesi, Usazotya, uya hako, Kana wakatadza senyi, Uya hako uponeswe.
5
Jesu Kristu ndiM’ponesi, Kuti uchirasa zvese Zvakaipa zvako nhasi, Unogara naye Jesu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.