Baba ndinoshamiswa kwazvo
AFM Nziyo 151
Baba Ndinoshama
1
BABA , ndinoshama kwazvo Kuti ndidaidzwe ndimi, Ndakagara muzvitadzo, Ndikapera kusvipiswa, Asi hamusakaramwa, Mwakandida henyu, Baba.
2
Baba, kunakanyi kwenyu, Nhamburiko dzakaitwa, Kunditsvaka pasi pano Ndakaona ndiri kufa. Ndikaitwa anopona, Tenzi ndinomutevera.
3
Kuti mune basa renyu, Iro ndingakona kuita, Ndingafadzwa kuriita, Handozodi mubayiro, Ndinodisa kushandira Imwi basi, Tenzi wangu.
4
Ndinotsidza nasi uno Kumutsvaka misi yese, Nekumuterera zvese Izvo munotaurazvo, Nekutsvaka varasiki, Tese tizogara nemwi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.