Baba tinounza zvipo
AFM Nziyo 159
1
BABA , tinounza zvipo Zvekufadza basa renyu, Tinounza ngakufara, Takakomborerwa ndimwi; Tipei mwoyo yechisepe Kune vese varasiki, Kuti mune vane nzara Munavapa zvipo zvedu.
2
Asi tinotenda imwi, Tinomuimbira nasi, Hatimbokanganwi vamwe Vanogara mune dima; Torai zvipo zvedu, Baba, Tinomupa ngekufara, Tumai vafundisi nazvo, Ngavadzidze nzira dzenyu.
3
Zvipo zvedu zvenyamusi, Ngazviende kuvarombo, Ngazvitore rudo rwedu Kune avo vari kure; Havazivi Jesu Kristu, Havazivi ruponeso, Baba, tumai izvi zvipo Kune avo vanoshaya.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.